Accessibility links

Breaking News

Dzimba Dzinovhenekerwa Ropa Dzofarirwa Zvikuru


Meya weGuta reKwekwe Votaura Pamusoro peChirongwa Chinovheneka Ropa
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:03 0:00

Meya weGuta reKwekwe Votaura Pamusoro peChirongwa Chinovheneka Ropa

Dzimba dzakavakwa nebazi reUnited States Centers for Disease Control and Prevention riri muZimbabwe, pachishandiswa homwe ye United States President's Emergency Plan for AIDS and Relief (PEPFAR), dziri kupa mukana wekuti vanhu vaongororwe zvine chiremera ropa ravo kana riine hutachiona hweHIV.

Dzimba dzakavakwa nebazi reUnited States Centers for Disease Control and Prevention riri muZimbabwe, pachishandiswa homwe ye United States President's Emergency Plan for AIDS and Relief (PEPFAR), dziri kupa mukana wekuti vanhu vaongororwe zvine chiremera ropa ravo kana riine hutachiona hweHIV.

Bazi re Centers for Disease Control riri kuita chirongwa ichi rakabatana nebazi rezvehutano. Dzimba idzi dzinonzi muchirungu Porta Cabins dzakavakirwa kuwanisa makirinika nzvimbo dzakasununguka dzekuvheneka ropa kuti rionekwe kuti rine HIV here kana kuti kwete.

Nhepfenyuro yeStudio7 yakashanyira chimwe chipatara chekanzuru cheAmaveni muKwekwe icho chinova chezvimwe zvezvipatara zvakavakirwa zvivakwa izvi.

Mumwe wevana mukoti vari pachipatara cheAmaveni apa, Amai PatriciaTendai Shumba, vanoti kubva pakavakwa ma cabin aya, huwandu hwevanhu vari kuoongororwa ropa hwawedzera.

Mumwe wevanamukoti pakirinika yeAmaveni iyi, avo vakaongorora ropa rameya weKwekwe, VaMatenda Madzoke, pamberi pevatori venhau senzira yekukurudzira veruzhinji kuti vaongororwe ropa ravo, Amai Loice Chikono, vanoti vanhu vasatya kuongororwa ropa ravo sezvo kwave nemapiritsi anoraramisa veruzhinji.

VaMadzoke vanoti kuvakwa kwema cabin uku kuri kubatsira zvikuru vagari vemuguta ravo. Vanotiwo kuvakwa kwezvivakwa izvi kunzvimbo yakavandika kunopawo mukana kune avo vanonyara kuonekwa neruzhinji vachivhenekwa ropa kana kutora mapiritsi.

VaMadzoke vanotiwo pamakirinika mashanu ekanzuru ari muguta reKwekwe, maviri ndiwo chete ane ma cabin aya. Vanotiwo shuviro yavo ndeyekuti makirinika eguta ravo ese awane pakasununguka pekuongororera vanhu ropa.

Padandemudande rayo, muzinda weAmerica muZimbabwe unoti pasi pechirongwa ichi kwakavakwa ma porta cabins zana nemakumi mana munzvimbo dzakasiyasiyana munyika.

Zimbabwe, sedzimwe nyika pasi rese, iri kurwisawo kupedza dambidziko reHIV/AIDS panosvika gore ra2030.

Magwaro akabudiswa neZIMSTAT muna 2015 anoratidza kuti huwandu hwevanhu vane neHIV/AIDS hwuri kudzikira munyika.

XS
SM
MD
LG