Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yosimbisa Zvirongwa zveKurwisa Kutapuriranwa kweHutachiwana hweHIV/AIDS Kuvana Vacheche


Vana vakawanda vanonzi vanotapurirwa hutachiwana kubva kumadzimai avo
Vana vakawanda vanonzi vanotapurirwa hutachiwana kubva kumadzimai avo

Imwe nyanzvi munyaya dzekutapuriranwa kwehutachiwana hweHIV/AIDS kubva kuna amai kuenda kumwana mubazi rezvehutano, Doctor Angela Mushavi, vanoti pari zvino nyika iri mushishi rekuyedza kuderedza huwandu hwevana vari kuwana hutachiwana kubva kumadzimai avo kubva pazvikamu zvonomwe kubva muzana kusvika pazvikamu zvishanu kubva muzana.

Doctor Mushavi mumwe wevanhu vakanga vari pamusangano mukuru we 2016 International Aids Conference wakapera kuDurban, kuSouth Africa neChishanu chapfuura.

Doctor Mushavi vanoti pari zvino nyika iri kufambisa gwara rayo zvakanaka kuitira kuti ikwanise kupindawo pasi pechirongwa cheWorld Health Organisation, icho chinopa chitambi chekuti zvinhu zviri kufamba zvakanaka here.

Chitambi ichi chinowanikwa chete kana nyika yakwanisa kuderedza kutapurirwana kwehutachiwana hweHIV/AIDS kubva kuna amai kuenda kumwana, sezvakaita nyika dzakadayi seCuba.

"Shuviro yedu ndeye kuti madzimai ese anenga azvitakura aende kunovhenekwa hutachiwana hweHIV/AIDS pachine nguva kuitira kuti vaiswe pamishonga yekuti vadzivirire kutapurira vana vavo nekuchengetedzawo hutano hwavo," Doctor Mushavi vaudza Studio 7.

"Tino kurudzira kuti madzimai vauye navanababa pavanouya kunovhenekwa sezvo zvakakosha kuti chirwere ichi chirwiswe nemhuri yese," Doctor Mushavi vaenderera mberi.

Vanoti musangano uyu wakasunga kuti vanhu vatange kunwa mishonga nechimbichimbi kana vawanikwa vaine hutachiwana hweHIV/AIDS kwete, kumirira kuti munhu tanga arwara, kana kuti CD4 count yake itange yadzikira.

"Pasi rose rakasunga kuti vanhu vaiswe pachirongwa nechimbi chimbi kana vachinge vaziva kuti vane hutachiwana hweHIV/AIDS kuitira kuti vawane rubatsiro nguva ichiripo, kwete kuzomirira kuti munhu arware," Doctor Mushavi vanodaro.

Vanoti hurumende nemasangano akazvimirira munyika vari kushanda zvakasimba kuti vechidiki vasawanikwe vachibatira hutachiwana hweHIV/AIDS kuitira kuti pange paine vechidiki vasina hutachiwana munguva inotevera.

Hurukuro NaDr Angela Mushavi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG