Accessibility links

Breaking News

Madzimai Okurudzirwa Kuti Vakoshese Kuongororwa Chirwere cheGomarara


Madzimai munyika ari kukurudzirwa kuti arambe akangwarira chirwere chegomarara repazamu iro rinogona kubatawo vanhurume.

Mwedzi wapera pasi rose range riri kucherechedza nekudzidzisa vanhu nezvechirwereichi. Sangano reCancer Association of Zimbabwe rinoti zvakakosha kuti vanhu vakurumbidze kuwongororwa gomarara nyanya rezamu risati rapararira kuitira kuti munhu awane rubatsiro pachiri nenguva.

Nyanzvi yegomarara Dr Bernadette Ndoro, vanoti madzimai vanofanirwa kuziva miri yavo uye kana vanzwa bundu kana zvimwewo vamhanye kunoongororwa navana chiremba.

"Vazhinji vanozo uya dambudziko iri rapararira asi isu tiri kukurudzira kuti madzimai nevanhu rume vaende kunovhenekwa nguva nenguva kuitira kuti vawane rubatsiro pachine nguva," Dr Ndoro vaudza Studio 7.

Gomarara rezamu rinonzi ndiro gomarara rechipiri riri kuuraya madzimai pamagomarara mazhinji asi rikabatwa pachiri nenguva vanhu vanokwanisa kuwana rubatsiro.

"Tinokurudzira kuti vanhu vaongorore zvavanodya, kuita zvino simbisa muviri wavo, kuregedza kunwa doro zhinji nekurega kudya zvine mafuta senzira dzekuyedza kudzivirira chirwere ichi." Dr Ndoro vaudza Studio 7.

Dr Ndoro vanoti hazvizivikanwe kuti chiyi chinokonzera chirwere ichi asi zvakakosha kuti munhu akoshese hutano hwake nekuongororwa pachine nguva

Hurukuro naDr Bernadette Ndoro
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG