Accessibility links

Breaking News

Amai Tsvangirai Vobatsira Imwe Mhuri Ine Mwana Anechirwere Chegomarara Kutsvaga Mari yeKurapwa


Amai Elizabeth Tsvangirai naBridget Mandimutsira
Amai Elizabeth Tsvangirai naBridget Mandimutsira

Mudzimai wemutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change VaMorgan Tsvangirai, Amai Elizabeth Tsvangirai vari kukumbira mhuri yeZimbabwe kuti ibatsire mhuri yekwa Mandimutsira ino gara muHarare iri kutsvaga mari yekurapisa mwanasikana wavo ane chirwere chegomarara.

Mwana uyu, Bridget ane makore manomwe ekuberekwa. Vabereki vaBridget vanoti mwanasikana wavo akatanga kurwara ane mwedzi mitatu yekuberekwa. Parizvino vari kutsvaga rubatsiro rwemari yekuti vaende kuno murapisa kuSouth Africa.

Amai Tsvangirai vari kubatsira mhuri iyi asi inoti inodawo rumwe rutsigiro kubva kuruzhinji rwenyika sematauriro aAmai VaBridget.

"Takamboyedza kurapisa Bridget muno munyika asi hatina kuwana rubatsiro rwakatifadza sezvo vana chiremba vakatiudza kuti hapana vaikwanisa kuitira mwana wedu. Izvi ndizvo zvakaita kuti ndifunge kuti tiende naye kuSouth Africa uko anopota achirapwa kunyangwe zvazvo zvichidhura," Amai Mandimutsira vaudza Studio 7.

Chirwere chegomarara chanetsa munyika uye vakawanda vanorwara nacho vachiti havasi kuwana rubatsiro rwunodiwa rwunoenderena nemando dzegomarara dzavanege vainadzo.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kune bazi rezvehutano pamusoro penyaya iyi sezvo nhare dzavo dzange dzisingadairwe. Asi Amai Mandimutsira vanoti vanoda kuti vana mazvikokota vabatsire mwana wavo.

"Shuwiro yangu ndeyekuti mwanasikana wangu Bridget awanewo rubatsiro kubva kuna vanachiremba kuti araramewo hupenyu husina hurwere akwanise kuitawo zvimwe zvinoitwa nevana vezera rake," Amai Mandimutsira vaudza Studio 7.

Vanoda kubatsira vanokwanisa kufona panharembozha dzinoti +263 774 327 867. Vanodawoo kutumira mari vano kwanisawo kutumira rubatsiro rwavo paEcocash panhamba idzodzi

Hurukuro NaAmai Bernadet Mandimutsira
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


.

XS
SM
MD
LG