Accessibility links

Breaking News

Misoro YeNhau Dzanhasi Chipiri Chikunguru 26, 2016


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Sangano reAmnesty International rokurudzira hurumende yeZimbabwe kuti iremekedze kodzero dza Pastor Evan Mawarire, avo vakatanga hurongwa hwe #ThisFlag nekusavasunga.

Nhengo yesangano revakarwa hondo, VaFrancis Nhando, avo vakaverenga gwaro rekuti vakarwa hondo vave kusiyana nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe votandaniswa kubva mudunhu reMasvingo nenhengo dzeZanu PF.

Murwiri wekodzero dzevanhu Linda Masarira, uyo ave nemasvondo matatu ari muhusungwa anonyimwa zvakare mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Matunhu enyika akaganhurana nenyika yeMozambique oremerwa nekuwanda kwevapoteri vari kutiza hondo iri pakati pehurumende yeFrelimo neRenamo.

Nhasi tiri kuendera mberi nekutarisa zviri kubuda kumusangano webato reDemocratic Party, weNational Convention uyo wakatanga nezuro uri kupindwawo nemutungamiri webato rinopikisa rePDP, VaTendai Biti.z

Muchirongwa chevechidiki cheThe Connection, nhasi na 8:30pm tiri kutarisa zvakabuda kumusangano weInternational Aids Conference wakapera kuDurban kuSouth Africa neChishanu chapfuura takanangana nevechidiki.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Vanoda kuteerera studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 KiloHertz paShortWave.

Misoro yeNhau Dzanhasi Chipiri Chikunguru 26, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG