Accessibility links

Breaking News

Vanotengesa Zvinhu Mumigwagwa Voisa Zvipikiri Munzeve Dzavo


Illegal street vendors have started flocking to the Harare central business district. (Patricia Mudadigwa)
Illegal street vendors have started flocking to the Harare central business district. (Patricia Mudadigwa)

Vatengesi vemumigwagwa vari kushoropodza zvikuru kanzuru yeHarare iyo vanoti yakavaudza kuti ichashandisa mapurisa eZimbabwe Republic Police kuvadzinga mumigwagwa mavanotengesera.

Senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheTyphoid, kanzuru yeHarare neChipiri yakapa vanotengesera zvinhu zvavo mumigwagwa mazuva maviri kuti vamire kuita izvi.

Kunyange hazvo mazuva aya apfuura, vatengesi ava havasati vabuda mumigwagwa uye vanoti havasi kuzobuda.

Mutevedzeri wemutungamiriri we Sangano re Zimbabwe Chamber of Informal Economy Association, ZCIEA, iro rinomirira vanobata mabasa emaoko, Amai Olivia Songere, vashora zvikuru kanzuru nekuda kushandisa huturu pamusangano wavaita nevatori venhau.

Mumwe mutengesi, VaGivus Maririmba, vashoropodzawo kanzuru yeHarare nekupomera vatengesi vemumigwagwa kuti ndivo vari kukonzoresa kuti hutachiona hwetyphoid hwupararire.

VaMaririmba vatiwo kutengesa mumigwagwa kuri kukonzerwa nekushaikwa kwemabasa

VaMaririmba vashorawo mitemo inoshandiswa nemakanzuru iyo yavati ndeyehudzvanyiriri yaishandiswa nehurumende yavachena.

Mukuru wesangano reHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vanotiwo kupomerana mhosva hakusiko kunopedza dambudziko rezvirwere zvemudumbu.

VaShumba vari kukurudzira kanzuru kuti iterese mitero vanotengesa mumigwagwa, mari yainenge yawana, yoshandiswa mukuchenesa nzvimbo dzinotengeserwa.

Mutauriri wekanzuru ye Harare, VaMichael Chideme, vanoti kanzuru ichazenge ichibatsirwa nemapurisa kubvisa nechisimba vatengesi vari kurambira mumigwagwa.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG