Accessibility links

Breaking News

Amai Mugabe Vanoti Chitunha chaVaMugabe Chichatonga Nyika


Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, vanoti chitunha chemurume wavo chichavhoterwa ndokana vakafa sarudzo dzisati dzaitwa.

Vachitaura pamusangano wavaita paSt Johns Primary School kuBuhera, Amai Mugabe, avo vanovazve mutungamiri webazi remadzimai muZanu-PF reWomen’s Leage, vakakatyamadza vanhu vakawanda mushure mekunge vati mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachatonga kana vari muchakabvu kana chitunha.

Amai Mugabe vakashora zvikuru kunetsana kuri muZanu-PF vanhu vachirwira chigaro chemutungamiri wenyika.

Vakati ivo ndivo mubati wepembe uye kana pane vanoda kutsaudzira vanoridza pembe.

Mubato reZanu-PF mune kunetsana pakati pevari kuzviti G40 vanonzi vanosanganisira ivo Amai Mugabe uye chinozviti Team Lacoste chinonzi chiri kutungamirwa nemumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangangwa.

Amai Mugabe vashorawo vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika vave kutungamira bato reZimbabwe People First, Amai Joyce Mujuru, nekufurira kwavanoti vakaita vanhu kuti vapandukire Zanu-PF.

Asi mutauriri weZimbabwe People First, VaJelous Mawarire, vashorawo Amai Mugabe vachiti vanotaura zvisingavake.

Amai Mugabe vashorawo vanopikisa vasiri kufarira mabond notes nechirongwa cheZIMASSET vachiti zvinobatsira nyika.

Vakawanda munyika vanoti hurumende yaVaMugabe yakundikana kugadzirisa nyaya yehupfumi uye zvirongwa zviviri izvi hazvina zvazvabatsira.

Makurukota ehurumende akawanda ange ari pamusangano uyu kusanganisira Amai Mandi Chimene; gurukota rinoona nezvedunhu reManicaland, VaJoseph Made; gurukota rinoona nezvekurima nevamwe.

Vachitaurawo pamusangano uyu, Amai Oppah Muchinguri Kashiri vashorawo mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, Amai Margaret Dongo naVaSimba Makoni veMavambo, Kusile, Dawn vachiti vanotengesa nyika uye kunyadzisa vanhu vemuManicaland nekupikisa bato riri kutonga.

Amai Dongo vati mashoko aAmai Mugabe haana nematuro ose.

Izvi zvashorwawo nemutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vati Amai Mugabe munhu ave kuvhunduka chati kwatara nekuti vanotya kukundwa musarudzo dza2018.

Ko kutanga kwemisangano yaAmai Mugabe uku kunorevei chaizvo?

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaJoy Mabenge, vanoti Amai Mugabe vatotanga nyaya yekutsvagira Zanu-PF rutsigiro sezvo nyika yatarisana nesarudzo.

Vanhu vange vari pamusangano uyu vanosvika zviuru gumi kusanganisira vana vechikoro uye papera musangano vanhu vapihwa mupunga, mazowe nezvimwe.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG