Accessibility links

Breaking News

Germany Inoudza Komiti yaVaParadza Kuti Zimbabwe Ibhadhare Zvikwereti Zvayo


Honorable MP Kindness Paradza
Honorable MP Kindness Paradza

Mumiriri wenyika yeGermany muZimbabwe, Doctor Thorsten Hutter, vaudza nhengo dzeparamende kuti Zimbabwe inofanira kubhadhara zvikwereti zvayo kuWorld Bank, African Development Bank nenyika dzaya kakwereta pasi peParis Club, vachiti izvi ndizvo chete zvichaita kuti ikwanise kuwana rubatsiro kubva kumasangano aya nenyika idzi.

Vachitaura pamusangano wavaita nenhengo dzekomiti yeparamende inoona nezvekunze kwenyika, VaHutter vati manyepo ekuti Zimbabwe iri kunyimwa rubatsiro nekuda kwenyaya dzematongorewo enyika.

Vati chikonzero chiri kunyimwa Zimbabwe mari inyaya yekusabhadhara zvikwereti.

Vati World Bank nenyika dzekuEurope hadzikwanisi kuramba dzichipa zvikwereti zvekusimudzira maindasitiri muZimbabwe kana isati yabhadhara zvikwereti zvainayo.

VaHutter vatiwo makambani ekunyika kwavo nedzimwe dzeku Europe haasi kufara nemitemo yemuZimbabwe yakaita sema roadblocks ayo ave kuitwa pese pese nemutemo wekupa masimba kuvatema munyaya dzehupfumi.

Vati vemakambani vanoda mitemo yekajeka uyewo apo nyika yakatarisana nedambudziko remari, vemakambani vanoda kuziva kuti kana vakatengesa zvinhu zvavo kunze kwenyika, vanokwanisa kushandisa mari yavanenge vawana pamadiro here kana kuti kwete.

Pari zvino vebhanga guru, VeReserve Bank of Zimbabwe, ndivo vanoronga nekuudza makambani kuti anga shandise sei mari dzekunze dzaanenge awana.

Sachigaro wekomiti iyi, VaKindness Paradza, vati vanobvumirana naVaHutter pazvichemo zvavo, asi vati zviri kugadziriswa.

VaParadza vaenderera mberi vachiti komiti yavo yakumbirawo kuti Germany ibvise zvirango zvayakatemera VaMugabe vachiti izvi zviri kukanganisa hupfumi wenyika.

Vatiwo izvi hazvifaniri kunetsa sezvo Britain yavainetsana nayo muEuropean Union yave kubuda musangano iri.

Kunyange hazvo VaParadza vati komiti yavo, iyo ine nhengo dzeMDC-T, yakumbira kuti VaMugabe vabvisirwe zvirango zvavakatemerwa neGermany, mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vati sebato, hapana chati chachinja chingaite kuti VaMugabe varerutsirwe.

VaGutu vati VaMugabe vachiri kutyora kodzero dzevanhu, mitemo yesarudzo haisati yagadziriswa, uye bato ravo rinoita rusarura pachikafu, icho chinopihwa nhengo dzeZanu PF chete.

Imwewo nhengo yekomiti iyi, Amai Priscillar Misiharabwi-Mushonga, vatiwo zvakakosha kuti paramende yeZimbabwe neyekuGermany, Bundestag, zvidyidzaneuyewo kubatsira kumutsiridza hukamapakati penyika mbiri idzi pasi pesangano Zimbabwe German Association iro vati raibatsira vakawanda zvikuru

Asi VaHutter vati zvirango zvaVaMugabe nemudzimai wavo nekambani neZimbabweDefence Industries hazvikanganisi hupfumi hwenyika vachiti pari zvino makambani emuZimbabwe anotengesa zvinhu kuEurope pachena pasi peEuropean Parternership Agreement.

Vatiwo hupfumi hwenyika hwakakura chose panguva yehurumende yemubatanidzwa apo makurukota ehurumende yaVaMugabe pamwe nemakambani akawanda aive pasi pezvirango.

Vati hupfumi uhwu huri kutodzikira panguva ino kunyange hazvo EU yakabvisa makambani aya nemakurukota pazvirango.

VaHutter vati hazvina kushata kuti paramende yeZimbabwe idyadzane neBundestag asi vakati pari zvinonhengo dzeBundestag hadzigoni kubuda munyika sezvo nyika yavo ichiita sarudzo muna Gunyana. Asi vati vanozvikurudzira kuti paramende dzenyika mbiri idzi dzidyidzane.

Makambani ehurumende anosanganisira Telone, National Railways of Zimbabwe neZiscosteel ane zvikwereti zvinodarika mazana mashanu emamamiriyoni emaEuro kuGerman Deveopment Bank uye mari iyi yave nemakaore akawanda isati yabhadharwa.

Zvichakadai, VaHutter vazivisa kuti nyika dzeEU pamwe neAfrican Union dzichasangana muna Mbudzi gore rino kuAbijan nechinangwa chekuzeya chirongwa chekudyidzana pakati pemasangano aya cheCotonou Agreement.

Vati zviri pachena kuti chave kudiwa neAfrica handi rubatsiro asi kuti makambani anogadzira zvinhu achiunza mabasa kumamiriyoni akawanda evechidiki vari kubva muzvikoro muAfrica.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG