Accessibility links

Breaking News

Mapato Obatana Mukuradzika VaSeiso Moyo muBulawayo


Seiso Moyo
Seiso Moyo
Vaive mutevedzeri wegurukota rezvekurima, uye vari munyori anoona nezvesarudzo muMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, Va Seiso Moyo, varadzikwa neMuvhuro kumarinda epa Lady Stanley kuBulawayo.

Vachitaura pakuvigwa kwaVaMoyo, VaTsvangirai vatsanangura mushakabvu semunhu akanga akazvipira mukuita basa rake uye aive munhu aikwanisa kubatanidza vanhu. VaTsvangirai vatiwo nekuda kwekushanda zvakanyanya kunoitwa nenhengo dzeparamende pamwe nevezvematongerwo enyika, vanhu ava havazvipe nguva yekuti vaonekwe nevana chiremba vachitariswa hutano hwavo.

VaMoyo, avo vaive zvakare mumiriri weNketa muparamende, vakashaya neChishanu mushure mekurwara nechirwere chemoyo kwenguva pfupi pfupi.

Mapato ezvematongerwo enyika abatana pakuvigwa kwaVaMoyo. Vabva kubato reZanu PF vanosanganisira gurukota rezvemigodhi, VaObert Mpofu, mumiriri weMwenezi East, uye vari nhengo yepolitburo, VaKudakwashe Basikiti, pamwe naAmai Sithembiso Nyoni.

MDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube yanga yakamirirwa nemutauriri webato iri, VaNhlanhla Dube, avo vati vauya kuzoratidza kubatana kwevanhu munguva dzerufu.

Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vatiwo chinhu chinenge chakakosha kuti vanhu vanoshanda vose munyaya dzekusimudzira nyika, vange vachinyaradzana munguva dzerufu.

Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaTsvangirai, VaDouglas Mwonzora, vanoti VaMoyo munhu anga achibatanidza vanhu uye anga achishanda zvakanaka nevamwe vake.

VaMoyo vanga vave nemakore makumi mashanu nematanhatu. Vasiya mudzimai nevana vashanu.

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hurukuro naVaNhlanhla Dube
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hurukuro naVaRugare Gumbo
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG