Accessibility links

Breaking News

Varimi kuNyanyadzi Votarisira Goho Rakanaka


Nyanyadzi Farmers
Nyanyadzi Farmers

Varimi venharaunda yeNyanyadzi mudunhu reChimanimani vanoti vari kutarisira kutanga kurima zvegore rose mushure mekugadzirisa dambudziko remugero unofambisa mvura yemadiridzo avo kubva kurwizi Nyanyadzi.

Mugero uyu wange wazara jecha izvo zvange zvotadzisa kufamba kwemvura.

Minda yemadiridzo ekuNyanyadzi yakaparurwa mugore ra1932 kuchirimwa zvirimwa zvinosanganisira chibage, gorosi, bhinzi uye matomatisi mwaka yose yegore.

Asi izvi zvange zvadzikira nekuda kwemvura yange yave shoma sezvo mugero wemvura wange wazara majecha.

Varimi vanosvika mazana manomwe nemakumi maviri vakabatana ndokuvhara tukova twose twaizadza mavhu mumugero wavo izvo zvanga zvopa kuti vatadze kurima rutatu pagore sezvavaisiita makare.

Rwendo rwuno varimi ava vanenge vave pachidanho chepamusoro sezvo vanenge vorima nemazvo zvichitevera kupedzwa kwakaitwa dambudziko iri nekushanda pamwe chete kwavakaita nevarimisi vehurumende pamwe nemasangano akazvimirira oga, Oxfam ne SAFIRE.

Mutevedzeri wasachigaro wevarimi veNyanyadzi Irrigation Scheme Committee, VaRichard Guranungo, vanoti dambudziko ravo rakatanga apo vagari vange vongotema miti zvisina tsarukano izvo zvakapa kuti pave negukuravhu.

VaGuranungo vanoti kumakore apfuura vairima zvirimwa zvakasiyana-siyana vachikohwa pakuru kwazvo vasati vawirwa nenjodzi yegukuravhu.

Mumwe murimi wekuNyanyadzi, VaHerbert Makotamo, vanoti varimi vakawanda vakange vorwadziwa nehupenyu sezvo raramo yavo ingori paminda iyoyo yemadiridzo.

Murimisi wekuChimanimani vachishanda nebazi rehurumende reAgritex, VaTakesure Dhlakama, vanoti varimi vekuNyanyadzi vakange voyaura nekuda kwegukuravhu.

VaDhlakama vanoti kutanga kurima zvakanaka kwevarimi kuchavabatsira mune zvakawanda kwazvo, vosiya kupemha zvekudya kwavange voita kumasangano akazvimirira kana kuchema kuhurumende vachida rubatsiro.

Sabhuku Edmore Chitinha vekuNyanyadzi vanoti vagari vainge vasinganyatsofara kana mwaka wekunaya kwemvura wosvika nekuti vaiziva kuti mvura yedenga yaiuya nematambudziko ayo.

VaIsaac Mwanasawani, avo vanoshandira SAFIRE, rimwe remasangano akabatsira varimi veNyanyadzi Irrigation Scheme, vanoti chinagwa chavo ndechekusimudzira nharaunda kuti dzikwanise kuzvimiririra munyaya dzechikafu kuitira kuti mhuri dzive nehutano hwakanaka mumatunhu avari kushanda vari muZimbabwe.

Zimbabwe yakatarisana nedambudziko rechikafu zvokuti vanhu vanosvika mamiriyoni mana vanoda rubatsiro rwechikafu, sekutaura kwesangano reWorld Food Program.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG