Accessibility links

Breaking News

Studio7 Yotaurwa Muparamende neMumwe Mukuru weMapurisa


Mapurisa eZimbabwe Republic Police, ZRP, anoti acharamba achitorera vanhu marhedhiyo avari kupihwa nemasangano akazvimirira.

Vachitaura pamberi pekomiti yeparamende inoona nezvemukati menyika, uye vakamirira mukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri, mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa emapurisa, Deputy Commissioner-General-Operations, Innocent Matibiri, vati semapurisa, vari kuda kuzivisisa mapindiro akaita marhedhiyo aya munyika uye chinangwa chemasangano aya chekupa vanhu marhedhiyo aya pachena.

VaMatibiri vatiwo nhepfenyuro yeStudio7 iri kutepfenyura munyika zviri kunze kwemutemo, vachiti zviri kuitwa nenhepfenyuro iyi zvinotyora chibvumirano cheGlobal Political Agreement icho chakanyoreranwa pasi nevakuru vemapato ezvematongerwo enyika musi wa 15 Gunyana 2008.

Asi chibvumirano cheGlobal Political Agreement hachina mashoko seataurwa naVaMatibiri kunze kwekukurudzira vakuru vari muhurumende yemubatanidzwa kukoka vane nhepfenyuro dziri kunze kwenyika kuti vadzoke kuzoshandira kumusha.

Vachitaurawo pamusoro pekugadzirira kwakaita mapurisa referendamu nesarudzo, VaMatibiri vati mapurisa akagadzirira zvikuru sezvo pava nekomiti yemapurisa iri kuona nezvereferendamu nesarudzo iri kutungamirwa na Senior Assistant Commissioner Lee Muchemwa.

Asi vati kunyange hazvo mapurisa akagadzirira, vati mapurisa aripo haakwanise kunge ari munzvimbo dzose dzichavhoterwa dzinosvika zviuru gumi. Vati nzvimbo yega yega inoda mapurisa mashanu, asi ivo pari zvino vanokwanisa kutumira mapurisa mana chete.

Nokudaro VaMatibiri vati vachadzidzisa vanoita zvechipurisa vasina kudzidzira basa iri, kana kuti police constabulary, vanosvika zviuru gumi.

Vave kupindura mubvunzo pamusoro pekupiswa kwaChristpowers Maisiri, mwana wenhengo yeMDC, VaShepherbd Maisri kuHeadlands nemusi weMugovera manheru nevanhu vanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF, VaMatibiri vati mapurisa haana humbowo hwekuti chii chakaitika uye vachiri kuongorora chiitiko ichi.

Asi izvi hazvina kufadza nhengo dzekomiti iyi zvikuru sei kubva kuMDC idzo dzati mapurisa anofanira kuongorora nyaya iyi nechimbi chimbi.

Sachigaro wekomiri iyi, VaPaul Madzore veMDC-T, vati komiti yavo haisi kufara nemabatiro ari kuita mapurisa nyaya dzemhirizhonga .

Vatiwo komiti yavo ichaendawo kumatunhu kuti indoongorora gadziriro yereferendamu nesarudzo inoti yakaitwa nemapurisa munzvimbo idzi.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG