Accessibility links

Breaking News

Nhumwa dzaVaZuma Dzosangana neJOMIC


South Africa yatumira zvekare nhumwa dzayo kuZimbabwe kuti dzipodze zvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika uye kugadzirisa misariridzwa yezvematongerwo enyika sarudzo dzisati dzaitwa gore rino.

Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, ndivo mutongi gava weSADC panyaya yeZimbabwe akadomwa neAfrican Union.

Imwe nhengo yeJOMIC, VaElton Mangoma, vanoti neChitatu vakasangana nenhumwa dzaVaZuma vakataura nezvekusimbisa mabasa eJOMIC.

Zvinhu munyika hazvina kumira zvakanaka kubva zvatanga kusungwa sungwa kwenhengo dzeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai pamwe nevanorwira kodzero dzevanhu munyika.

Mumashoko avo kuvatori venhau mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vati mapurisa ave kurerekera rimwe bato uye vati vari kuyedza kuti munyika muitwe sarudzo dzakachena asi nyaya dzekupondwa kwenhengo dzavo nekusungwa kwedzimwe dziri kuvatambudza. VaTsvangirai vanoti SADC inofanirwa kupindira.

Mukuru wesangano reCentre for Community Development in Zimbabwe, VaPhilip Pasirayi, vanoti zvakakosha kuti nhumwa dzaVaZuma dziuye munyika kakawanda kuitira kuti dzizozvionere pane zvinenge zvichiitika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG