Accessibility links

Breaking News

Vanhu veZimbabwe Vovhota muReferendamu


Zimbabwe
Zimbabwe
Veruzhinji neMugovera vakaenda kunovhota munzvimbo dzakasiyana siyana munyika vachivhota kuti vanoda here gwaro rebumbiro remitemo yenyika rakanyorwa richitungamirwa nekomiti yeparamende yeCOPAC kana kuti kwete.

Vachitaura nevatori mushure mekuvhota mumusha weHighfield muHarare, mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakurudzira runyararo munyika uye vakati havafe vakadzyidzana nevenyika dzekunze vasingawirirane nehutongi hwavo.

VaMugabe vati venyika dziri mu European Union pamwe ne America havafe vakaongorora sarudzo dzemuZimbabwe sezvo vakavatemera zvirango.

Vachitaurawo vapedza kuvhota ku St Marys ku Chitungwiza, mutungamiri wehurumende VaMorgan Tsvangirai vati kuitwa kwaitwa referendamu kukura nzira yekuita sarudzo dzakachena munyika idzo dzakatariswa gore rino.

Zvataurwa naVaTsvangirai zvatsinhirwa nemunyori wesangano renyika dziri kuchamhembe kweAfrica reSADC, VaTomaz Salamao.

Mutevedzeri wemutungamiri wehurumende VaArthur Mutambara vatiwo bumbiro remitemo rakakosha zvikuru munhoroondo yenyika sezvo richitara zvinofanira kuitwa nevanotungamira nyika.

Amai Priscilla Misihairambwi-Mushonga veMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube vatiwo nyaya yehutongo hwejekerere ndiyo yakafirwa nevanhu munguva yehondo yeChimurenga nekudaro bumbiro iri kuzadzikisa hutongo hwakanaka.

Zvichakadai, munyori mukuru muMDC yaVaTsvangirai, VaTendai Biti, vati havasi kufara nemhirizhonga yaitika munzvimbo dzakaita se Mbare muHarare, Headlands pamwe ne Bindura.

VaBiti vati pane nhengo yavo VaSamson Magumise vapambwa ku Headlands nevanhu vanga vachifamba nemotokari ine nhamba dzinoti ABG 7038 uye havasi kuzikanwa kuti vari parizvino.

VaBiti vatiwo vanhu vanga vachityisidzirwawo mune nzvimbo dzakawanda munyika uye vati vanhu vanga vachimanikidzwa kuratidza vavhotesi bepa ravavhotera. Zvisinei, VaBiti vati vafadzwa nekubuda kwaita veruzhinji vachinovhota.

Asi kutenderera kwaita Studio 7 munzvimbo dzakawanda dzanga dzichivhoterwa kwaburitsa pachena kuti vanhu vaenda kunovhota vashoma zvikuru kana zvichienzaniswa nereferendamu yakaitwa muna 2000 pamwe nesarudzo dzose dzapfuura.

Zanu-PF nemapoka maviri eMDC ari muhurumende yemubatanidzwa vanga vachikurudzira kuti veruzhinji vatsigire gwaro rebumbiro iri uye mapato asiri muhurumende pamwe nemamwe masangano anoshanda akazvimirira akaita se National Constitutional Assemblykana kuti NCA anga achikurudzira veruzhinji kuti varambe gwaro iri.

Sachigario weNCA VaLovemore Madhuku vanoti vange vaine chivimbo chekuti vachabudirira musarudzi iyi.

Pasi pemutemo weElectoral Act, zvabuda mureferendamu i zvinofanirwa kubuditswa mazuva mashanu asati adarika.
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG