Accessibility links

Breaking News

United Nations Yozeya Chikumbiro cheZimbabwe cheMari yeSarudzo


UNDP
UNDP
Chikumbiro cheZimbabwe chekuti inoda rubatsiro rwemari inosvika mazana maviri nemakumi maviri emamiriyoni emadhora kubva kumumiririi we United Nations Development Program, UNDP, munyika kuitira kuti ikwanise kuita referendamu nesarudzo dzemunyika, chaendeswa kumuzinda weUnited Nations uri muNew York kuAmerica.

Mutsamba yayanyora neChishanu, mumiriri weUNDP atenda kuti chikumbiro cheZimbabwe chakasvika asi semaitiro avo, chakaendeswa kubazi rinoona nezve matongerwo enyika muUnited Nations, reFocal Point on Electoral Assistance.

Zimbabwe yakati sarudzo nereferendamu zvinoda mari inosvika mazana maviri nemakumi mashanu emamiriyoni emadhora, asi iyo ine mamiriyoni makumi maviri nemashanu emadhora, nokudaro iri kukumbira kuti United Nations iibatsire mukutsvaga jeredzwa riripo.

Tsamba iyi yakanyorwa musi wa 4 Kukadzi negurukota rezvemari, VaTendai Biti, pamwe negurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa. Bazi reUnited Nations kuNew York ndiro richaongorora chikumbiro cheZimbabwe ichi uye rinenge richitaurawo neUNDP muHarare pamwe nehurumende yeZimbabwe.

Bazi iri rinobatsira munyika dzinenge dziine matambudziko munyaya dzezvematongerwo enyika kunyanya dzakaita seKenya neIvory Coast muAfrica.

Vamwe muZanu-PF vachiri kutsika madziro vachiti UN inoshandisa rutsigiro urwu kupindira mune dzimwe nyika sezvayakaita kuIvory Coast.

Mukuru wesangano reElection Resuorce Centre, VaTawanda Chimhini, vanoti UN inofanirawo kuona kuti paitwa sarudzo dzakachena.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG