Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yonetsana paNyaya yeSarudzo


Zimbabwe Politics
Zimbabwe Politics
Nyaya yekusatara zuva rekuita sarudzo dzekutsvaga vanhu vachamirira Zanu-PF musarudzo inonzi yatove kupa kuti kunetsana mubato iri kuenderere mberi zvakanyanya pakati pevari kuda kukwikwidza nhengo dzepaparamende nemaseneta dzagara dziripo.

Kusvika pari zvino hapana kuwirirana pakuti sarudzo idzi dzoitwa rini uye kuti mitemo yacho inenge yakamira sei yekubvumidza vanhu kuti vakwikwidze.

Nyaya inonzi iri kunetsa inyaya yekuti vakuru vemauto nemapurisa uye vamwe vechidiki vakawanda vari kuda kukwikwidza izvo zviri kupa kuti vagara varipo kare vasafare nenyaya iyi. Vatsva vari kuda kupinda vari kuti vakuru vebato vari kutya kutorerwa zvigaro nekudaro ndokusaka vari kunonotsa zvinhu.

Munyori anoona nezvemabasa muZanu-PF, VaDidymus Mutasa, vaimbenge vati sarudzo dziitwe mwedzi uno asi ikozvino vave kuti panopera referendamu ndopachaitwa sarudzo dzemubato ravo.

Hapana anoziva pachaita referendamu iyi sezvo hurumende ichiti haina mari.

Nyaya yekunetsana iyi yapa kuti vamwe mubato iri vati zviri nani kuti sarudzo dzemunyika dziitwe muna Gunyana panopera musangano weUnited Nations World Tourism Organization uri kuitwa muna Nyamavhuvhu muZimbabwe neZambia.

Mutauriri webato reZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti vachaita sarudzo nenguva yavo kwete zvekumanikidzirwa.

Gore rapera, mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, vakamboti vanoda kuti sarudzo dziitwe muna Kurume.

Muongorori wenyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachishanda vakazvimirira, Muzvare Gladys Hlatwayo, vanoti zviri pachena kuti Zanu-PF haina kugadzirira sarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG