Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Voudza Sachigaro weAU Kuti Zimbabwe Ichaita Sarudzo Dzakachena


Z
Z
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti Zimbabwe yakagadzirira kuti iite sarudzo dzisina mhirizhonga.

VaMugabe vakataura mashoko aya neChipiri mushure mekuita musangano nemutungamiri weBennin, VaBoni Yayi, vanovazve sachigaro weAfrican Union.

VaMugabe vakati hurumende yemubatanidzwa yaita kuti mapato ose ezvematongerwo enyika abatane panyaya yekuti paitwe sarudzo dzakachena kunyange pachimboita mutauro pano neapo.

VaMugabe vakakurudzirawo African Union kuti ive nemutungamiri mumwe chete sezvakaita European Union kuitira kuti ikwanise kunyatsobatana. VaMugabe vakashamisawo nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika apo vakatenda kupindira kwemauto eFrance kuMali.

VaMugabe vanosimboramba nyaya yekuti mauto ekunze apindire muhondo dzemuAfrica.

Asi dzimwe nyazvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti mashoko aVaMugabe ndeekuda kubata African Union kumeso sezvo iri kutarisirwa kuti izeye nyaya yeZimbabwe pamusangano wayo mukuru waichaita svondo rinouya kuAddis Ababa, Ethiopia.

Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vanovazve mutongi gava panyaya yeZimbabwe, vachatura gwaro remamiriro akaita zvinhu muZimbabwe kumusangano.

Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, VaPhilip Pasirayi, avo vari kuita zvidzidzo zvepamusoro soro paOxford University, uye vachishanda nesangano reCentre for Community Development, vanoti VaMugabe vanoda kubata African Union kumeso vachinyepa kuti zvinhu zvakagadzikana muZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG