Accessibility links

Breaking News

Mabhanga eVatema Otatarika


VaGideon Gono
VaGideon Gono
Mabhanga akawanda evatema munyika anonzi akatadza kuunganidza mari iri kudiwa nebanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, inosvika mamiriyoni makumi maviri nemashanu emadhora yekuti inge iri mumatura avo musi wa 31 Zvita gore rapera kana vasingadi kutorerwa marezinesi.

Asi gavhuna weRBZ, VaGideon Gono, vanoti vachambovapa nguva yekuona kuti vagadzirise zvinhu kuitira kuti vaunganidze mari iyi. VaGono vakati mabhanga makuru anofanira kunge aunganidza mari inosvika zana remamiriyoni emadhora kusvika muna Chikumi 2014.

Vakuru muRBZ vanoti mabhanga makuru akaita seBarclays, Standard Chartered, BancABC, Stanbic neCommercial Bank of Zimbabwe akabudirira mukuunganidza mari iri kudiwa.

Asi mabhanga evatema akaita seZABG, Kingdon nemamwe ari kutatarika kuti awane mari dzinodiwa.

Mabhanga anosvika masere pamabhanga anosvika makumi maviri nemaviri ndiwo akabudirira kuti ange achiunganidza mari iyi. Vakuru veRBZ vanoti mabhanga akawanda achamanikdzwa kuti aite mushandirapamwe kana achikundikana kuunganidza mari idzi.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vaimbotungamira Zimbabwe National Chamber of Commerce, VaLuxon Zembe, vanoti izvi zvakanaka kuitira kuti vanhu vasarasikirwe nemari kumabhanga.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG