Accessibility links

Breaking News

Vanotenga Zvinhu Kunze Vochema neMashoko aVaBimha Pamusoro peMutemo weSI 64


Gurukota rezvemaindasitiri, VaMike Bimha
Gurukota rezvemaindasitiri, VaMike Bimha

Sangano rinomirira vanotenga pamwe nekutengesa zvinhu kunze kwenyika, re International Cross Border Traders Association rinoti kusajeka kwemashoko anonzi akataurwa negurukota rezvemaindasitiri, VaMike Bimha, pamusoro pemutemo unorambidza kupinzwa kwezvinhu munyika, weStatutory Instrument 64 (SI 64), ave kukonzera kusagadzikana muvanhu vanorarama nekutenga zvinhu kunze kwenyika vachizozvitengesa munyika.

Mutungamiri wesangano iri, VaDenis Juru, vanoti kupesana kwemashoko aVaBimha uku kuchasiya vakawanda vachirasikirwa nemari sezvo vamwe vakanga vatotenga zvinhu zvakanga zvambonzi hazvibvumidzwi munyika izvi vachifunga kuti vanokwanisa kupinda nazvo zviri pamutemo munyika.

VaJuru vanoti nhengo dzavo dzichamira nemashoko akataurwa naVaBimha pekutanga, kwete ekuti mutemo uyu uri kubviswa, sezvo vanhu vose vachiziva kuti mutemo uyu wakundikana.

Izvi zvinotevera mashoko anonzi akataurwa naVaBimha neChishanu chapfuura, ekuti mutemo uyu, uyo wakadzikwa gore rapera, wave kuzoraswa sezvo wakanga wazadzisa zvawakanga wadzikirwa, uye kusimudzira maindasitiri.

Vanonzi vakatiwo mutemo uyu wakasanganawo nezvimhingamipinyi zvinogadzirisika chete kuburikidza nekusendekwa kwemutemo uyu.

Asi pasina kumbopera mazuva maviri, VaBimha vakaudza bepanhau reSunday Mail kuti mutemo uyu hausi kuzobviswa kusvika mumwe mutemo uchakurudzira kutengesewa kwezvigadzirwa zvemunyika weLocal Content Policy wave kushanda.

Mashoko aya anonzi asiya vanorarama nekutengesa zvigadzirwa zvekunze vasisaziva pavamire.

Asi dzimwe nyanzvi mune zveupfumi dzinoti hadzifungi kuti mutemo uyu uri kunyatsoshanda sezvo zvigadzirwa zvekunze izvi zvichiri kuwanikwa pamisika, zvikuru mitema.

Studio 7 yakundikana kubata VaBimha kuti tinzwe pavamire chaipo panyaya iyi.

Hurukuro naVaDenis Juru
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG