Accessibility links

Breaking News

Madzimai Anoita Mabasa eMaoko Ocherechedza Zuva reMadzimai


Madzimai akawanda anorarama nekutengesa anoti ari kutyorerwa kodzero dzavo nemapurisa
Madzimai akawanda anorarama nekutengesa anoti ari kutyorerwa kodzero dzavo nemapurisa

Madzimai anorarama nekutengesa zvinhu pamwe nekuzviitira mabasa emaoko anobva mumatunhu akasiyanasiyana aungana nhasi muHarare achipemberera pamwe nekurangarira zuva remadzimai, kana kuti International Women’s Day, iro rakacherechedzwa musi wa 8 Kurume pasi rose.

Madzimai aungana aya anosanganisira nhengo dzesangano reZimbabwe Chamber of Informal Economy Association, iro rinonzi ndiro raronga musanganu uyu, pamwe neVendors Initiative for Social Economic Transformation, VISET.

Imwe nhengo yeVISET yapinda mumhemberero idzi, Muzvare Tariro Munyereyi, vanoti madzimai ataura nezvematambudziko aanosangana nawo mukuita mabasa avo emaoko, zvikuru vanotengesera mumigwagwa.

Muzvare Munyereyi vanoti madzimai asunga kuti pave nekudyidza kwakanaka pakati pevanotengesera mumigwagwa ava, makanzuru pamwe nehurumende kuitira kuti vakwanise kushanda pamwechete.

Vanoti madzimai akawanda ari kushungurudzwa uye kutyorerwa kodzero dzavo kana vachinge vasungwa, izvo vanoti zvinozosiya vamwe vavo vave kuzvikandira mumaoko emapurisa aya kuti vasashungurudzwa.

Vanotiwo panofanirwa kuve nedzidziso yakakwana pamusoro pezvirwere zvakaita seHIV/AIDS mumadzimai nevanasikana vanorarama nekutengesa ava.

Hurukuro naMuzvare Tariro Munyereyi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG