Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anoudzwa Kuti Asiye Mhuri yekwaDzamara Ichiita Hurongwa Hwayo neChitatu


Gweta remhuri yekwaDzamara, VaKennedy Masiye, vati mutongi wedare, Justice Clement Phiri, vatambira chikumbiro chavo vachiti kuratidzira kana zvirongwa zvakaita seizvi zvinobvumidzwa pasi pemitemo yenyika.

Dare repamusoro rapa mhuri yekwaDzamara mvumo yekuita zvirongwa zvekucherechedza kusvita gore VaItai Dzamara vapambwa ndokutsakatika musi was 9 Kurume gore rapfuura.

Gweta remhuri yekwaDzamara, VaKennedy Masiye, vati mutongi wedare, Justice Clement Phiri, vatambira chikumbiro chavo vachiti kuratidzira kana zvirongwa zvakaita seizvi zvinobvumidzwa pasi pemitemo yenyika.

Dare ratiwo mapurisa haafanirwe kuvhiringidza hurongwa uhu kana huchiitwa murunyararo.

Asi mutauriri wemhuri yekwaDzamara, VaPatson Dzamara, vange vataura kuti mhemberero idzi dzange dzichaenderera mberi zvisineni nezvange zvichabuda mudare.

VaDzamara vanoti gore rapfuura range rakaona sezvo vange vari kuedza kuona kuti mukoma wavo angawanikwe sei uye vati zvinosuwisa kuti mapurisa ari kuti haana zvaati awana pakutsvaga kwaari kuita.

Mudzimai waVaItai Dzamara, Amai Shefra Dzamara, vanoti vachapindawo pazvirongwa zvekucherechedza gore murume wavo atsakatika uye chavanoda chete kuti murume wavo adzoke kumba.

Vanoti kana vana vavo chaivo vari kuda zvikuru kuti baba vavo vadzoke kumba.

Sachigaro weItai Dzamara Trust,Bhishop AncelimoMagaya, vaudza Studio 7 kuti gore rakwana murwiri wekodzero uyu atsakatika uye hurumende iri kutadza kumutsvaga.

VaMagaya vatiwo vanhu vemuZimbabwe ndivo vane simba rekudzivirira zvakaipa uye vanofanira kutsigira chirongwa chemangwana.

Vanhu vanotarisirwa kuungana muAfrica Unity Square vobva vazomacha nemugwagwa Jason Moyo vakananga kuRotten Row, vodzoka naSamora Machel vozonoungana paAfrica Unity Square apo pachaitwa munamato.

Manheru pachaparurwa firimu rinotaridza mararamiro aita VaItai Dzamara pamwe nerumbo rwavakaimbirwa nemuninina wavo, Va Patson Dzamara.

VaItai Dzamara vakapambwa pedyo nekumba kwavo kuGlen View musi wa 9 Kurume gore rapera, uye kubvira musi uyu mhuri yavo inoti haisati yanzwa kuti vari kupi uye mapurisa anotiwo haasati aziva kuti vari kupi.

VaItai Dzamara nevamwe vavo veOccupy Africa Unity Square vairatidzira vachida kuti mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, vasiye basa vachiti vatadza kutonga nyika.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG