Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Voshorwa neMashoko Avo eKushora United Nations


Dr Patson Dzamara
Dr Patson Dzamara

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vari kushorwa zvakanyanya nevanhu vakawanda munyika nemashoko avo nemusi weMugovera ekuti nyika dzemuAfrica neAsia dzakagadzirira kubuda mugungano reUnited Nations kana Security Council isina kuvandudzwa.

VaMugabe vakataura mashoko aya panhandare yendege yeHarare International mushure mekudzoka kumusangano weUnited Nations General Assembly kana kuti UNGA.

Security Council ine nhengo shanu dzinoti, Britain, France, China, America neRussia dzine masimba akawanda kudarika dzimwe nyika dzose.

Vanopikisa vanoti zvinoshamisa kuti VaMugabe vanoda kuti UN ivandudzwe ivo vachitonga nedemo.

Vatiwo United Nations ndiyo iri kuraramisa vana veZimbabwe vari kuziya nenzara sezvo hurumende yaVaMugabe yakundikana kuita zvayakavhoterwa. Gungano reUnited Nations riri kubatsirawo Zimbabwe munyaya dzezvehutano.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika nezvimwe zvakabva kumusha zvakabatana mukuratidzira pamuzinda weUnited Nations svondo rapfura panguva iyo VaMugabe vaitaura kumusangano weUNGA uyu.

Mumwe waavo vange vari pakuratidzira uku ndi Dr Patson Dzamara avo vanorwira kodzero dzevanhu uye vange vachiratidzira vachiti havasi kufara nehutongo hwaVaMugabe.

VaMugabe vakaudza catsigiri vavo kuti havanawo kufara nekuratidzira uku vachiti kunonyadzisa nyika. Asi VaDzamara vanoti havaone chakaipa pakuratidzira kwavakaita.

"Zvinokatyamadza kuti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vangatuke vana vavo vari kuyedza kuzeya navo zvinetsva zvenyika asi vachiwana nguva yekusangana nekukurukura ne nhengo dze December 12th Movement idzo dzisina kana chimwe chizvarwa cheZimbabwe chari mavari," Vanodar VaDzamara.

Vanoenderera mberi vachiti, "Tiri kushamiswa kuti vanhu ava vaipihwa mukana wekupinda mumuzinda wenyika yedu uri muNew York asi zvizvarwa zvenyika sesu zvisinga cheukwe,"

Sezvo tichitema tisina divi ratinorerekera, Studio 7 yabatawo nhengo yeZanu-PF inomirira Makonde, VaKindness Paradza avo vashora vainge vachiratidzira ava.

"Tinoshamiswa kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvingano ratidzira kuNew York uko zvichitadza kutsvaga nzira dzekuona mutungamiri wenyika VaMugabe kumusha kuti vakwanise kuzeya nhunha dzavo pasina bopoto ne mhirizhonga," VaParadza vaudza Studio 7.

Hurukuro naDr Patson Dzamara
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naVaKindness Paradza
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG