Accessibility links

Breaking News

Vamwe Voshora Kusapinda kweZanu PF Muhurongwa hweKurangarira VaItai Dzamara


Zimbabwe Missing Activist
Zimbabwe Missing Activist

Nyanzvi inoongorora zviri kuitika munyika yakazvimirira, Va Tendai Ruben Mbofana, vanoti mhunhu wese wemu Zimbabwe anofanirwa kurangarira VaDzamara, sezvo vari chizvarwa chenyika.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti zvinhu zvinofadza kuti mamwe mapato ezvematongerwo enyika akakwanisa kubatana neChitatu nemhuri yekwaDzamara mukucherechedza VaIta Dzamara, avo vakasvitsa gore zvichitevera kupambwa kwavo vachibva vatsakatika gore rapera.

Mapato akapinda muhurongwa uhu anosanganisira MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, pamwe nebato rinotungamirwa naAmai Barbara Nyagomo, reProgressive Democrats of Zimbabwe.

Bato reZanu PF harina kutumira nhumwa kumusangano uyu, kusanganisirawo bato idzva reZimbabwe People First, iro rinotungamirwa naAmai Joice Mujuru.

Kusaonekwa kwemapato ezvematongerwo enyika pahurongwa hwekucherechedza VaDzamara kwasiya vanhu vakawanda vachibvunza mibvunzo yakawanda.

Dzimwe nyanzvi dzinoti kubatana pahurongwa hwakadai hakuna kushata, asi hazvifanirwe kuonekwa semhosva yaparwa nemapato akakundikana kutsigira mhuri yekwadzamara.

Nyanzvi inoongorora zviri kuitika munyika yakazvimirira, Va Tendai Ruben Mbofana, vanoti mhunhu wese wemu Zimbabwe anofanirwa kurangarira VaDzamara, sezvo vari chizvarwa chenyika.

Ukuwo imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari sachigaro ve Zanu PF ku Britain, Va Nick Mangwana, vanoti kunyange hazvo vachiwirirana naVaMbofana, havatambiri vari kushora Zanu PF kuti seyi yakatadza kuva pachiitiko ichi.

VaMangwana vanoti Zanu PF haina kukokwa, izvo zvakapa kuti isavepo pahurongwa uhu.

VaDzamara vakatsakatika musi 9 Kurume gore rapera mushure mekupambwa nevarume vasiri kuzivikanwa kuti ndivanani apo vaigerwa pedyo nekumba kwavo kuGlen View7.

VaDzamara vanozovikanwa nekusiya basa ravo rekutora nhau vachiti vava kupinda munyaya dzekurwira kodzero dzevanhu kudzamara mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasiya basa.

VaDzamara nechikwata chavo che Occupy Africa Unity Square, vairatidzira vari mupaka yeAfrica Unity Square vachikurudzira kuti VaMugabe vasiye basa sezvo vari kutadza kutonga.

Murwiri wekodzero uyu aigara akarohwa nemapurisa kunyange hazvo kuratidzira kwake nevamwe vake kwaive kwekugara mupaka iyi muchinyararire.

Hurukuro naVaTendai Mbofana Pamwe naVaNick Mangwana
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG