Accessibility links

Vanokonzera Mhirizhonga Mumutambo weNhabvu Ngavasungwe, Vazhinji Vokurudzira


Dynamos vs Highalnders

Vanofarira nhabvu semutambo wekuvaraidza vanoti vari kukonzera mhirizhonga kumitambo vanofanira kukandwa mujeri kuitira kupedza nyonga nyonga yanetsa mumutambo uyu kwete kuripisa zvikwata.

Veruzhinji havachauya nemhuri dzavo kumitambo yenhabvu yepamusoro soro yePremier Soccer League nemhaka yekutya mhirizhonga iyo yaramba kupera.

Gore rega rega, vePremier Soccer League vari kubvisisa zvikwata mari yakawanda nemhaka yemhosva dzevatsigiri vavo avo vari kukanda zvinokuvadza munhandare, asi kuripisazvikwataizvi zvaramba kupedza dambudziko iri.

Svondo rapera, mutambo pakati peHighlanders neDynamos wakagumira munzira mushure mekunge vatsigiri veHighlanders vakanda zvinokuvadza munhandare vachigunun’una kuti mutevedzeri wemubati wepembe, VaThomas Kusosa, vaive vasiri kubata basa ravo zvaivafadza.

Aka kave kechipiri gore rino vateveri veBosso vachikanda zvinokuvadza munhandare.

Mwedzi wapera, vatambi veShabanie Mine vakatadza kubuda munhandare yeBarbourfields iyi mushure mekunge vateveri veHighlanders vakanda zvinokuvadza kuchikwata ichi apo Shabanie yakarova Highlanders 1-0.

Vanotevera zvemutambo wenhabvu vanoti nyaya iyi haina kunyanyosimudzirwa nekuti chikwata cheShabanie Mine chikwata chidiki munhabu yemuZimbabwe.

Kunyange hazvo Highlanders yashevedzwa pamberi pedare rinotonga mhosva muPremier Soccer League nemhaka yezvakaitika svondo rapera, aimbotambira Black Aces Football Club, VaTeddy Dzuwa, vanoti izvi hazvisi kuzopedza nyonga nyonga nekuti vari kukonzera mhirizhonga vacho hapana zvavari kuitwa.

VaDzuwa havasi vega mumafungiro aya sezvo vateveri venhabvu vakawanda vari kuti honye dziri kukonzera mhirizhonga mumitambo hadzisi kurwadzikana nekuti zvikwata ndizvo zviri kutongwa nemhaka yemaitiro avo, ivo vachisiiwa.

Vanoti ivo vamwe vevari kukonzera bongozozo ava havatombozivikanwa kuzvikwata izvi zvekuti hazvisi nyore kuti vakwanise kutaura navo kuti varegedze maitiro avo.

Vateveri venhabvu ava vanoti kutonga kana kuripisa zvikwata mari yakawanda hazvisi kupedza mhirizhonga nekuti vari kuita izvi vari kuziva kuti hapana zvavanoitwa vachiramba vachidzokorora maitiro aya.

Muteveri weDynamos, VaLloyd Vurayayi, vanoti vari kukonzera nyonga nyonga ava vanofanira kusungwa vokandwa mujeri kuitira kuti vamwe vane tsika dzakadai vatye.

Nhengo yeWarriors Fan Club, VaMilton Chibaya, vanoti Zimbabwe inofanira kuita zvinoitwa kune dzimwe nyika uko avo vanoonekwa vaine mhosva dzekukanganisa mitambo, vanokandwa mujeri kana kurambidzwa kupinda munhandare zvachose.

Asi muteveri weDynamos, VaTudmund Goredema, vane mubvunzo wekuti vanhu ava vanosungwa nani sezvo mapurisa ari kubhadharwa kuita basa iri vari kupedza nguva yavo vachiona nhabvu pamwe nekukuzirira zvikwata zvavanofarira.

Vachitaura nevatori venhau, mukuru weZimbabwe National Soccer Supporters Association, VaEddie Chivero, vanoti mudzinhandare munofanira kuiswa materevhizheni eCCTV ayo anozotariswa mukutsvaga vanenge vakonzera bongozozo.

Chokwadi ndechekuti, kwave kufanirwa kutorwa matanho makukutu, kusati kwakuvara zvakaipisisa kana kufa kwevanhu mudzinhandare dzenhabvu.

Asi pari zvino, vemumhuri yenhabvu vakamirira kunzwa kuti vePremier Soccer League vachafambisa seyi nyaya yezvakaitika kuBabourfields Stadium nemusi weChipiri apo Highlanders ichamiswa pamberi pedare regungango renhabvu iri.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG