Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe Chiri muAmerica Chorima Zvirimwa zvekuMusha


Tanya Spandla
Tanya Spandla

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muAmerica Amai Tanya Spandla vanogara muMaryland vanoti vakawana nzvimbo yekurima uye vari kuwana rutsigiro kubva kuzvizvarwa zveZimbabwe nedzimwe nyika dzemuAfrica zvinofarira miriwo yakaita nemuboora nenyevhe.

Amai Spandla vanoti vakawana ruzivo rwekurima miriwo nezvimwewo kubva kuvabereki vavo avo vakavadzidzisa kuti munhu anodya zvaanorima kwete kutenga izvo zvavabatsira kutanga bhizinesi rekurima.

Vanoti vakatanga kurima makore mashoma apfura uye vari kufara nemafambiro ari kuita zvinhu pari zvino.

Tanya Spandla - Maryland United States
Tanya Spandla - Maryland United States

​"Ndinonzwa kufara kana ndiri kumunda wangu ndichirima miriwo nezvimwewo uye ndiri kuwana rutsigiro rwakasimba kubva kuzvizvarwa zveZimbabwe ne zvimwe zvemuAfrica izvo zvinotenga miriwo yakadayi se muboora, nyevhe nemowa uye ndinorima chibage nezvimwewo," Amai Spandla vaudza Studio 7.

Vanotiwo muriwo yakadayi semuboora iri kufarirwa zvikuru nezvizvarwa zvekuAfrica.

"Parizvino ndirikugadzirira kurima miriwo yakadayi setsunga sezvo ndiri mugadziriro yezvirimwa zvinorimwa panosanduka mwaka,"Amai Spandla vataura.

Hurukuro Na Amai Tanya Spandla
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG