Accessibility links

Breaking News

Muzvare Nyagomo Vokurudzira Vari Kunze Kunonyoresa Kuvhota


Muzvare Barbara Nyagomo vanotungamira bato rePDZ
Muzvare Barbara Nyagomo vanotungamira bato rePDZ

Mutungamiri werimwe remapato anopikisa, reProgressive Democrats of Zimbabwe, Muzvare Barbara Nyagomo, vanoti bato ravo riri kushanda zvakasimba kukurudzira vana veZimbabwe vari munyika dzakapoteredza nyika vadzokere kumusha kunonyoresa kuti vazokwanisa kuvhota musarudzo dzegore rinouya.

Muzvare Nyagomo vanoti vari kuita izvi munyika dzakaita seSouth Africa, Mozambique, Botswana neZambia.

"Isusu tiri kunyanya kuisa simba rakawanda muSouth Africa, mune vana veZimbabwe vazhinji vatinoziva kuti vanokwanisa kuenda kumba vachino register kuti vavhote. Saka tiri kuita voters education ne awareness kuti vazive kuti sei vachifanira kuti vano register izvozvi, chero vakanga vaka register kubva muna 1980," Muzvare Nyagomo vanodaro.

Muzvare Nyagomo, avo vari kuManchester kuBritain, vanoti hapana imwe nzira yekuti vari kunze kwenyika vakwanise kupinda musarudzo kunze kwekutoenda kumusha kunonyoresa, sezvo Zimbwbwe Electoral Commission, ZEC, yakatozivisa kare kuti haina mari yekuti ikwanise kunyoresa vese vari kunze kwenyika vari munyika dzavari kugara.

Bato reProgressive Democrats of Zimbabwe riri mumubatanidzwa wemapato ari kurwira kuti mitemo ine chekuita nesarudzo ivandudzwe, weNational Electoral Reform Agenda, NERA.

Mapato ari mumibatanidzwa yeNERA neCODE ari muSouth Africa pari zvino munhaurirano dzinonzi dzakanangana nekuedza kuumba mubatanidzwa pakati pemapoka maviri aya.

Hurukuro naMuzvare Barbara Nyagomo
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG