Accessibility links

Breaking News

Magweta Anorwira Kodzero Anopihwa Mibairo


Zimbabwe Police Arrest Human Rights Lawyers
Zimbabwe Police Arrest Human Rights Lawyers
Sangano remagweta anorwira kodzera dzevanhu, reZimbabwe Laywers for Human Rights, rakapa mubairo neMuvhuro manheru kumagweta maviri ayo rinoti akaratidza hushingi munyaya dzekumirira kodzera dzevanhu munyika mugore rino.

Magweta aya ndaVa Raymond Moyo, avo vakamirira svondo yeAnglican Church inotungamirirwa naBishop Chad Gandiya munyaya iyo yavairwisana naVaNolbert Kunonga, mukuru weAnglican Church of the Province of Zimbabwe, pamwe naVa Charles Kwaramba, avo vari kumirira nhengo makumi maviri nepfumbamwe dzeMDC dziri kupomerwa mhosva yekuuraya mupurisa mumusha weGlen View gore rapera.

Vachitaura pamabiko ekupemberera kodzero dzevanhu, gweta rinorwira kodzero dzevanhu, Amai Beatrice Mtetwa, avo vange vaine mubairo uyu, vakati magweta maviri aya akaratidza hushingi uye akashungurudzwa apo aiita basa rawo rekumirira svondo yeAnglican pamwe nenhengho dzeMDC.

Mumashoko avo ekutambira mubairo uyu, VaMoyo vakati pavakabvuma kumirira svondo yeAnglican inotungamirirwa naBishop Gandiya muna 2007, havana kuziva kuti nyaya iyi yaizotora makore akawanda.

VaMoyo vakati nyaya iyi yakazooma zvikuru sezvo pakapinda nyaya dzematongerowa enyika mukati. Asi vakati vakabudirira sezvo vakawana rubatsiro kubva kumasangano akaita seZimbabwe Laywers for Human Rights.

VaKwaramba, avo vakatukwa nekushoropodzwa nemutongi wedare repamusoro, VaChinembiri Bhunu, vakati mubairo uyu uchavasimbisa pabasa ravo rekurwira kodzero dzevanhu.

VaBhunu vakati sangano remagweta reLaw Society of Zimbabwe rinofanira kuongorora VaKwaramba mushure mekunge vataura nevemapepanhau vachishoropodza VaBhunu nedare repamusoro panyaya yenhengo dzeMDC idzo dzagara mutorongo kwenguva inodarika gore pasina mutongo wapihwa.

Mutauriri weZimbabwe Laywers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda, vaudza Studio7 kuti mibairo yakapihwa VaMoyo naVaKwaramba wakakosha chose.

Gungano iri rakapindwa nevanhu vakawanda kubva kuhurumende, vatongi vematare epamusoro, vamiriri veUnited Nations nemasangano akazvimirira nevamwe.

Gore negore Zimbabwe Laywers for Human Rights inopa mubairo kumagweta anenge aita basa guru mukurwira kodzero dzevanhu.

Sangano iri rinoita izvi pazuva rekucherechedza kodzero dzevanhu pasi rose, kana kuti International Human Rights Days musi wa10 Zvita.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG