Accessibility links

Breaking News

VaJohn Nkomo Vanoshaya muHarare


Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Va John Landa Nkomo, vashaya muHarare neChina mushure mekurwara kwenguva refu nechirwere chegomarara.

Vachizivisa nyika zvaitika, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vaudza vatori venhau pa State House kuti VaNkomo vashaya mangwanani eChina.

Munin’ina wemufi, Va Samuel Sipepa Nkomo, vanove gurukota rinowona nezvemvura uye vari ivo vari kutaura vakamirira mhuri yemufi vaudza Studio 7 kuti varwadziwa zvikuru nekushaya kwemukoma wavo.

VaNkomo, avo vange vave nemakore makumi manonwe nemasere ekuberekwa, vanonzi vakarwara kwenguva refu vakambonorapwa ku South Africa uye vakazodzoka munyika ndokuenderera mberi nekurapwa kusvika vazofa neChina.

VaNkomo ndivo mutevedzeri wemutungamiri wenyika wechina kufa vari pachigaro zvichitevera kufa kwakaita Va Joshua Nkomo muna 1999, Va Simon Muzenda muna 2003 pamwe naVa Joseph Msika muna 2009.

Va Sipepa nkomo vati vehukama vakatarisirwa kubva kumativi mana enyika vakananga ku harare kuti vasangane mangwana manheru nechinangwa chekuwona kuti hurongwa hwekuradzikwa kwavo huchafambiswa sei.

Va john Nkomo vakaberekwa musi 22 Nyamavhuvhu muna 1934 vakave nhengo ye African National Congress kubva muna 1958 kusvika muna 1959 ndokuzova nhengo ye National Democratic Party muna 1960 vasati vave nhengo ye Zapu muna 1961.

Vakazosungwa vakagara kujeri reku Gonakudzingwa kwemakore maviri kubva muna 1966 kusvika muna 1968.

Vakazove nhengo ye African National Council pavakasarudzwa kuve mutevedzeri wemunyori webato iri muna 1971. Muna 1977 vakapinda musangano we Geneva Conference vari muchikwata chaitungamirwa namushakabvu Va Joshua Nkomo vakazokuvara muna 1977 pakaputika bhambu mu Zambia rakawuraya Va Jason Ziyapapa Moyo.

Kubva muna 1980 kusvika muna 1985, vakange vari nhengo yeparamende yaimirira Matabeleland North uye muna 1981 vakasarudzwa kuve mutevedzeri wegurukota rinowona nezvemakambani nemhando dzemoto. Kubva muna 1982 kusvika muna 1984, VaNkomo vakange vari gurukota rehurumende rinoshanda riri muhofisi memutungamiri wehurumende vachiona nezvemabasa emutevedzeri wemutungamiri wehurumende.

Muna 1984 vakazodzingwa muhurumende vari mumwe wevanhu vaviri vaiva nhengo dze Zapu dzakanga dzasara dziri muhurumende. Kubva muna 1985 kusvika muna 1990, vakange vari nhengo yeparamende yaimirira Tsholotsho vakazove gurukota rinowona nezvevashandi kubva muna 1988 kusvika muna 1995 ndokuzosarudzwa zvakare senhengo yeparamende inomirira Bulawayo North kubva muna 1990 kusvika muna 1995.

Vakasarudzwa zvakare muna 1995 kuti vamirire Bulawayo North kusvikira mugore ra 2000 uye muna 1995 vakadomwa kuva gurukota rezvematunhu nebudiriro kumaruwa ndokuzoitwa gurukota rezvematunhu nekuvakwa kwedzimba muna 1997.

Vakazoitwa gurukota rezvinoitika mukati menyika muna 2002 vasati vaitwa gurukota rehurumende rinoshanda riri muhofisi memutungamiri wenyika muna 2002.

Vakazosarudzwa kuve mutauriri weparamende kubva muna 2005 kusvika muna 2008 vasati vadomwa kuve gurukota rehurumende rinowona nezvekupodzwa kwemaronda zvichitevera kuumbwa kwakaitwa hurumende yemubatanidzwa. Muna 2009 makare ndimo mavakave mutevedzeri wemutungamiri wenyika.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG