Accessibility links

Breaking News

VaDabengwa Vanoremekedzwa neMhenduru neChitupa


VaDumiso Dabengwa
VaDumiso Dabengwa

Vakarwa muhondo yerusununguko vari muZipra vakapa ruremekedzo kune mutungamiri webato reZapu, VaDumiso Dabengwa, vachivatenda nekuda kwekuramba vachitevedzera zvinangwa zvehondo yerusununguko.

Vakarwa muhondo yerusununguko vari muZipra vakapa ruremekedzo kune mutungamiri webato reZapu, VaDumiso Dabengwa, vachivatenda nekuda kwekuramba vachitevedzera zvinangwa zvehondo yerusununguko.

Vachitaura pachiitiko chekupa ruremekedzo urwu muBulawayo nemusi weChitatu manheru, sachigaro weZipra Veterans Trust, VaBen Ncube, vakati VaDabengwa vaive varatidza hushingi pakukwanisa kuburitsa kumutsurudza bato reZapu izvo vakati zvaive zvakafanana nekuburitsa vatsigiri vebato reZapu kubva mumadhaka.

VaNcube vakaudza Studio 7 kuti sangano ravo rakaona zvakakodzera kupa ruremekedzo urwu kuna VaDabengwa nekuti munhu aratidza kuramba akamira pazvinangwa zvakarwirwa hondo yerusununguko.

Vachipindura mubvunzo wekuti sei vaive vaona zvakakodzera kupa VaDabengwa ruremekedzo urwu panguva ino, VaNcube vakati zvakakosha kupa munhu ruremekedzo rwaanokodzera ari mupenhyu vachitiwo sangano ravo raida chose kuve rakaita izvi kare asi raitadza kuita izvi nekuda kwezvikonzero zvakasiyana-siyana.

VaDabengwa, avo vakapiwa mhenduru necertificate (gwaro) semucherechedzo wekutenda mabasa avo mune zvematongerwo enyika, vakatenda zvikuru vamwe vavo neruremekedzo urwu vakasetsa vanhu vaive pachiitiko ichi apo vakati vaive vachigara vachizvibvunza kuti vachapiwa mubairo wakadai riinhi.

VaDabengwa vakati chinhu chinovarwadza zvikuru kuti veruzhinji vacharamba vachitambura iyo nyika yakawana rusununguko vakati zvakakosha kuti vakuru vakuru vezvematongerwo enyika vayeuka zvinangwa zvehondo yerusununguko.

VaDabengwa avo vaive mukuru mukuru wemauto eZipra panguva yehondo vakasungwa pamwe chete naVaLookout Masuku mugore ra1983 vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende.

Vakazosunungurwa mugore ra1987 mushure meUnity Accord vakave gurukota rehurumende kubva mugore 1992 kusvika muna 2000.

Pari zvino VaDabengwa ndivo mutungamiri webato reZapu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG