Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Cricket Yoenda Zvine Mutsindo kuT20 World Cup kuIndia


 Zimbabwe Cricket
Zimbabwe Cricket

Chikwata cheZimbabwe chemutambo wekiriketi chapihwa mufaro unotyisa apo chasimuka neChishanu chakananga kumakundano makuru e T20 World Cup.

Chikwata cheZimbabwe chemutambo wekiriketi chapihwa mufaro unotyisa apo chasimuka neChishanu chakananga kumakundano makuru e T20 World Cup.

Makwikwi eT20 World Cup aya ari kutanga musi wa 8 Kurume kuIndia.

Chikwata ichi chakurumidza kusimuka kuitira kunotamba mitambo yegadziriro yakakwana uyezve kuti vanojairira mhepo yeko sezvo yakasiyana zvikuru neyekuchamhembe kweAfrica.

Vatsigiri vavo vari kutarisira zviri nani pane matambiro avanga vachiita vachitarisira ivo kuti vachafara apo chikwata chavo chichadzoka kana makundano aya apera.

Mutungamiri weZimbabwe Cricket, VaTawengwa Mukuhlani, vataurira vatambi ava pamwe nevarairidzi vavo kuti havasi kuzotambira zvichemo kana chikwata ichi chikanokundikana kumakwikwi epasi rose aya.

Asi maneja wemaChevrons, VaChristian Chitsike, vavimbisa kuti chikwata chavo chichanomuka chibhebhenenga vachivimbisa mufaro mukuru kune vese vanotevera chikwata chemaChevrons.

Mutungamiri wevatambi vemaChevrons, Hamilton Masakadza, anoti vanga vakamirira zvikuru makundano aya sezvo vari kuda kuratidza chikwata cheAfghanistan kuti ivo ndivo vari pamberi.

Masakadza aramba kutaura nezvekutora mukombe achiti chinangwa chavo ndechekutanga vabuda mugungano repasi pasi ravari vasati vatarisa zviri kumberi munharaunda yechipiri.

VaChitsike vanotiwo vangafare zvikuru vakakwanisa kubuda mugungano repasi iri vokwanisa kuenderera mberi uko vachanosangana ne South Africa, Sri Lanka, West Indies, pamwe neEngland munharaunda yechipiri.

Pahurongwa hwemitambo yakabuditswa neveInternational Cricket Council, mushure mekutamba neScotland, Zimbabwe ichasangana neHong Kong musi wa 10 Kurume nekupedzisira neAfghanistan musi wa 12 Kurume.

Asi vanoongorora zvekiriketi vanoti Zimbabwe haina simba rekukwanisa kusvika munharaunda yechipiri.

Totarisa mutambo wenhabvu.

Zvikwata zvine mukurumbira zveDynamos neHighlanders zvichange zviri munhandare mukupera kwesvondo zvichiratidza vatsigiri vazvo vatambi vavo vatsva.

Dynamos, iyo yave nemurairidzi mutsva, Jorge Silva wekuPortugal, ine mitambo miviri zuva rimwechete munhandare yeRufaro Stadium neSvondo.

Sekutaura kwamajeja wechikwata ichi, VaRichard Chihoro, Dynamos iri kutarisira kutambisa vatambi vayo vatatu vari kutarisirwa kusvika kubva kuBrazil neMugovera.

Ukuwo Highlanders iri kutamba neTsholotshoi Pirates muBabourfields Stadium mumutambo wakabaka moto sezvo zvikwata izvi zvichitambira muguta rimwe chete.

Highlanders haina kutenga vatambi vatsva nemhaka yekushaikwa kwemari asi yakatora vatambi vechidiki vane tarenda kubva kuchikwata chavo chevechidiki icho chiri kuita mashiripiti muDivision One.

Mitambo yeDynamos neHighlanders iri kutarisirwa kuunganidza vanhu vazhinji sezvo vatsigiri vezvikwata izvi vaine shungu dzekuona vavachange vachibhadharira kuona gore rino.

Makwikwe eCastle Lager Premier Soccer League egore rino achatanga muna Kubvumbi sezvo vari kuda kupa chikwata chemaWarriors nguva icho chine mitambo miviri yakakosha muna Kurume.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG