Accessibility links

Breaking News

Nhengo Shanu dzeMDC-T Dzinonyima Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso


Dare repamusoro raramba kuti nhengo shanu dze MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai dzasara muhusungwa dziri kupomerwa mhosva yekuponda mupurisa muHarare muna 2011 dzibuditswe mujeri mushure mekubhadhara mari yechibatiso.

Vachitura mutongo wavo pachikumbiro chakasvitswa nevasungwa ava chekuti vabuditswe mujeri mushure mekubhadhara mari yechibatiso, mutongi wedare repamusoro, Va Chinembiri Bhunu, vati vasungwa ava vanofanira kuramba vari mujeri.

VaBhunu vati hapana chachinja kubva pavakavanyima mukana wekubhadhara mari yechibatiso gore rapera. Vaenderera mberi vachiti vasungwa vashanu vachiri mujeri ava, vanoti Va Last Maingehama vanove nhengo yekomiti yepamusoro muMDC-T ye national executive, Va Tungamirai Madzokere, vanove kanzura, Va Simon Mapanzure, Muzvare Yvvone Musarurwa pamwe naMuzvare Rebecca Mafukeni, vakatarisana nemhosva yakakura kwazvo uye vati pane mukana wekuti havazomirira kutongwa kana vakapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso.

VaBhunu vati humbowo huri pamberi pedare huri kusungirira vashanu ava pakuparwa kwemhosva iyi uye vati zvava kumuchuchisi wenyaya iyi kuti asimbaradze nyaya yehurumende.

VaBhunu varambawo zvakare kurerutsa mutongo wavo kune vamwe vasungwa vakabvumidzwa kubhadhara mari yechibatiso avo vari kuuya kudare vachibva kudzimba dzavo.

Mutungamiri wevechidiki muMDC-T, VaSolomon Madzore, nevamwe vavo makumi maviri nevatatu, vanzi nemutongi wedare vanogona kusamirirawo kutongwa kana vakarerutsirwa zvakaturwa nedare pavakapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso.

Dare rakati VaMadzore nevamwe vavo vazvipire kumapurisa kaviri pasvondo asi vanga vachida kuti izvi zvichinjwe kuti vazvipire kumapurisa kamwe chete pasvondo.

Zvichakadai, VaBhunu vatambira chikumbiro chegweta rehurumende panyaya iyi, VaEdmore Nyazamba, chekuti nyaya iyi imbomira kutongwa kusvika hurumende yakwanisa kuwunza kudare chiremba wekuCuba, Va Gabriel Aiviero Aguero, vakawongorora mutumbi wemushakabvu, kuti vazopa humbowo hwavo kudare.

VaBhunu vati hurumende inofanira kugadzirisa nyaya iyi nechimbichimbi sezvo vasungwa vane kodzerowo dzekuti nyaya dzavanenge vachipomerwa dzikurumidze kufambiswa mumatare. Vashora hurumende nekusaronga paine nguva kuti Va Alguero vazopa hufakazi hwavo kudare sezvo muchuchisi wenyaya iyi akaudza dare kuti hurumende yakamirira kuti Va Alguero vapihwe mvumo nehurumende yavo yeCuba kuti vape humbowo mudare panyaya iyi.

Zvichakadai, nyaya iyi yanzi ichaenderera mberi musi wa 25 Kukadzi.

VaMadzore nevamwe vavo vari kuramba mhosva yavari kupomerwa yekunzi vakaponda mupurisa, muchakabvu Petros Mutedza, mumusha we Glen View mu Harare muna Chivabvu 2011.

Nhengo dzeMDC-T idzi dzinoti dziri kushungurudzwa zvine chekuita nezvematongerwo enyika.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG