Accessibility links

Breaking News

ZimRights Yotongerwa Nyaya yeKunyoresa Vavhoti Zvisiri paMutemo


Sangano rinorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Human Rights Association, ZimRights, ramiswa neChishanu pamberi pedare ramejasitiriti muHarare richipomerwa mhosva yekunyoresa vanhu kuvhota zvisiri pamutemo uye kuburitsa mashoko anogona kukonzera kusagadzikana munyika.

Mubati wehomwe mubhodhi reZimRights, VaNunurai Jena, vamiswa pamberi pedare vakamiririra sangano iri vachipomerwa mhosva yekuti sangano ravo rakanyoresa vanhu sevavhoti zvisiri pamutemo.

Mapepa asvitswa kudare anoti VaJena, vakamirira ZimRights, vanogona kupomerwa mhosva yekuburitsa kana kushambadzira mashoko anogona kukonzera kusagadzikana munyika.

Mapepa aya anotiwo ZimRights yakashanda pamwe chete naVa Okay Machisa, vanove mukuru wesangano iri, Va Farai Bhani, Amai Dorcas Shereni, VaLeo Chamahwinya pamwe naVaTatenda Chinaka kuti vanyorese vanhu sevavhoti zvisiri pamutemo.

Zvinonziwo ZimRights yaiburitsa mari inoita dhora rimwe chete kuti ibhahdhare munhu wega wega anenge auya achiratidza kuti anyoresa kuvhota uye zvinonzi mapepa ekunyoresa kuvhota aya akange asiri emazvirokwazvo.

VaJena vanzi vadzoke kudare musi 11 Kurume uye vachange vachibva kumba kwavo.

Zvichakadai, dare repamusoro rati Amai Shereni vabude muhusungwa mushure mekubhadhariswa mari yechibatiso.

Vachitura mutongo wavo, mutongi wedare repamusoro, Amai Hlekani Mwayera, vati dare ramejasitiriti rakarasika parakaramba kupa Amai Shereni mukana wekubhadhara mari yechibatiso richiti vaigona kusamirira kutongwa kana vakabvumidzwa kutongwa vachibva kunze.

Amai Mwayera vati Amai Shereni vabhadhare mazana mashanu emadhora, vazvipire kumapurisa kamwe chete pasvondo, uye kuti vasavhiringidzane nevafakazi.

Zvichakadai, dare rakatarisirwa kunzwa chikumbiro chaVa Chamahwinya chekuti vatongwe vachibva kumba kwavo neChipiri svondo rinouya.

ZimRights pamwe nevashandi vayo vari kuramba mhosva yavari kupomerwa iyi vachiti hapana chavanoziva nezvenyaya iyi.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG