Accessibility links

Breaking News

Musangano weKuzeya Gwaro Idzva reBumbiro Wowedzera Makakatanwa?


copac
copac
Musangano wekuzeya gwaro rebumbiro idzva wapera neChipiri muHarare komiti yeparamende iri kutungamira chirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva, yeCOPAC, ichiti inoda svondo rimwe chete rekuti iongorore zvabuda mumusangano uyu.

Mumwe wemasachigaro matatu ekomiti iyi, VaPaul Mangwana veZanu PF, vaudza vatori venhau kuti komiti yavo inotarisira kuti referendamu ichaitwa mukati memwedzi mitatu inotevera.

VaMangwana vatsinhira mashoko aVaMugabe ane zuro ekuti vatungamiriri vehurumende yemubatanidzwa ndivo vane rekupedzisira pabumbiro iri.

Asi mumwe wemasachigaro ekomiti, vachimirira MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaDouglas Mwonzora, vati gwaro reCOPAC ndiro richaramba richishandiswa pane zvirongwa zvese zvasara kuitira kuti chirongwa chekunyorwa kwebumbiro chipere zvakanaka.

Asi mumwe wemasachigaro eCOPAC mu MDC inotungamirwa naVa Welshman Ncube, Va Edward Mkhosi, vatiwo bato ravo rakamirira kuona kuti nyaya yekupa matunhu masimba, kana kuti devolution, ichabuda seyi, sezvo vasina kunyatsoona mafambisirwo ayaitwa pamusangano uyu.

Zvichakadai, kunyange hazvo VaMangwana naVaMwonzora vange vari kuti musangano uyu wafamba zvakanaka, mamwe madzishe anoti haana kufara nezvebuda mukomiti inoona nezvemadzishe. Komiti iyi inoti yatonyorera COPAC gwaro ichigunun’una.

Imwe nhengo yanga iri mukomiti yemadzishe, Amai Margeret Zinyemba, vati vamwe vange vari mukomiti yavo vati madzishe haafaniri kuita zvematongerwo enyika, asi vamwe vachiti vanoda kuti madzishe abvumirwe kuita zvematongerwo enyika.

Asi VaMangwana vati COPAC ichatarisa zvichemo zvemadzishe paichasangana ichizeya zvabva mumakomiti akasiyana siyana.

Vanhu vakapinda mumusangano wemazuva maviri uyu vakapihwa mukana wekupa pfungwa dzavo pabumbiro riri kunyorwa, pamwe nekuwedzera zvimwe zvavanoda kuti zvive mubumbiro idzva iri.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG