Accessibility links

Breaking News

VaMugabe naVaTsvangirai Vokurudzira Runyararo Muchirongwa Chekuzeya Gwaro reBumbiro


VaTsvangirai, VaMugabe naVaMutambara
VaTsvangirai, VaMugabe naVaMutambara
Musangano wekuzeya zviri mugwaro rebumbiro idzva remitemo yenyika, watanga neMuvhuro mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachikurudzira runyararo pamusangano uyu, vachiti sarudzo dzemunyika dzichaitwa muna Kurume gore rinouya.

Asi mutungamiri weMDC diki, VaWelshman Ncube, varamba kupinda mumusangano wekuvhura chirongwa ichi vachitsutsumwa nekupihwa mukana wekutaura kwaitwa mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, Va Arthur Mutambara.

VaMugabe vati vanhu vanofanira kukwenenzvera gwaro iri murunyararo vachiti mhirizhonga haifaniri kushandiswa zvachose pakugadzirisa kusawirirana pakati pevanhu munyika.

VaMugabe vati vatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika ndivo vanofanira kuudza nhengo dzemapato avo kuti dzisiyane nemhirizhonga pamwe nekuti vashande pamwe chete murunyararo.

Vati kunyorwa kwebumbiro kunofanira kuchipedzwa kuitira kuti nyika ikwanise kuita referendamu nesarudzo.

Vatiwo kunyange hazvo chirongwa ichi chiri kutungamirwa nekomiti yeparamende, vatungamiri vehurumende yemubatanidzwa ndivo vane rekupedzisira pabumbiro iri.

Vachitaurawo pamusangano uyu, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vakurudzirawo runyararo vachiti vanhu vemuZimbabwe vanofanira kushanda pamwe murunyararo pakunyorwa kwebumbiro remutemo kuitira kuti vagadzirise remangwana reZimbabwe.

Mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vaudza vanhu vapinda mumusangano uyu kuti zvakakosha kuti vaone kuti bumbiro iri rinochengetedza veruzhinji kubva kuvatungamiriri vavo.

Vatiwo vanofanira kuona kuti paiswa zviga zvinoita kuti bumbiro iri ritevedzwe vakati bumbiro riripo haritevedzwi dzimwe nguva.

Zvichakadai, VaNcube nebato ravo havana kupinda muchikamu chekuvhurwa kwemusangano uyu vachitsutsumwa nekuti VaMutambara vange varipo.

Vachitaura nevatori venhau mushure mechikamu ichi, VaNcube vati mapato ese ari muhurumende ainge abvumirana kuti VaMutambara vainge vasingazotaura pamusangano uyu. Asi vati vazoshamisika vave kuudzwa nekuti VaMugabe vange vaudza komiti yeparamende iri kukokera kunyorwa kwebumbiro idzva, yeCOPAC kuti havaizopinda mumusangano uyu kana VaMutambara vasipo.

Vatiwo kunyange havo vasina kupinda muchikamu chekutanga chemusangano uyu, nhengo dzebato ravo dzichapinda mune zvimwe zvikamu zvinotevera.

Vatiwo vanoziva kuti VaMugabe vari kuronga kuuraya chirongwa cheCOPAC nekuti vane hurongwa hwekuda kuti chirongwa chekunyorwa kwebumbiro remutemo chipedzeswe nekomiti yedare remakurukota rinenge richitungamirwa naVaMutambara.

VaNcube vati vaita musangano nenhumwa dzemuyananisi panyaya yegakava remuZimbabwe, VaJacob Zuma, idzo dziri munyika kuzoongorora mafambisirwo emusangano weSecond All Stakeholders Conference vachitsutsumwa nenyaya yekuti VaMugabe naVaTsvangirai vari kuramba kutevedzedza chisungo cheSouthern African Development Community chekuti VaNcube ndivo mumwe wevatungamiri vehurumende yemubatanidzwa.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaPedzisayi Ruhanya, avo vari kuita zvidzidzo zvepamusoro kuWestminster University muLondon kuBritain, vanoti zvichemo zvaVaNcube ndezvechokwadi asi vakati VaMugabe ndivo vari kukonzera zvose izvi.

Vati zvakakosha kuti mapato maviri eMDC arwise VaMugabe akabatana.
Musangano wekuzeya zviri mugwaro rebumbiro idzva wakatarisirwa kupera neChipiri.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG