Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yocherechedza Zuva reAfrica Day


VaKenneth Kaunda, VaSamora Machel naVaJulius Nyerere
VaKenneth Kaunda, VaSamora Machel naVaJulius Nyerere

Zimbabwe nemusi weChina yakabatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva rekupemberera kusungunuka kwenyika dzemuAfrica kubva pajoki rehuranda hwehudzvinyiri kana kuti Africa Day.

Kubva muna 1958 kusvika muna 1963, nyika makumi matatu nembiri dzainge dzawana kuzvitonga kuzere uye dzakabva dzaronga kuumba sangano rinonzi Organization of Africa Unity, OAU, kuAddis Ababa, Ethiopia muna Chivabvu 1963.

Mubatanidzwa uyu wainge wakanangana nekudyidzana munyaya dzezvematongerwo enyika.

Sangano reOAU rave kunzi African Union uye kunze kwezvematongerwo enyika, gungano iri rave kutarisawo nyaya dzekudyidzana munyaya dzezvehupfumi.

Vachitaura nenhepfenyuro yeZBC, mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vati nyika dzemuAfrica dzave pedyo nekuzadzikisa zvido zvavanasorojena vakaumba mubatanidzwa weOAU.

Mumashoko avo kuvatori venhau, mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vati Africa yafamba rwendo rwurefu mukuzadzikisa zvido zvevakavamba OAU asi vanhu vakawanda muAfrica vachiri kunonga svosve nemuromo vatungamiri vacho vachidya noriva.

Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vanoti bato reZanu-PF harisi kuzadzikisa zvinangwa zvakaumbirwa sangano reAfrican Union.

Asi vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vakarerekera havo kudivi reZanu-PF, VaGadzira Chirumanzu, vanoti Zanu-PF iri kuzadzikisa zvido zvevakavamba mubatanidzwa weOAU.

Hurukuro naVaObert Gutu naVaGadzira Chirumanzu
please wait

No media source currently available

0:00 0:07:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG