Accessibility links

Breaking News

Transform Zimbabwe Yopangana Mazano Munyaya dzeNhaurirano


Transform Zimbabwe president Jacob Ngarivhume
Transform Zimbabwe president Jacob Ngarivhume

Bato iri rinotiwo richazeya kuti votevera hurongwa hupi pamapato ari kuda kuumba mubatanidzwa aya.

Mutungamiri werimwe remapato anopikisa ari kuita nhaurirano dzemubatanidzwa, VaJacob Ngarivhume, vanoti hutungamiri hwebato ravo reTransform Zimbabwe huri kusangana neMugovera kuti huzeye nezveremangwana renhaurirano idzi.

Bato iri rinotiwo richazeya kuti votevera hurongwa hupi pamapato ari kuda kuumba mubatanidzwa aya.

VaNgarivhume vanoti bato ravo ratora danho iri nekuona kuti pane hurongwa hwenhaurirano hunosvika hutatu, izvo zvinofanirwa kugarirwa pasi nebato ravo kuti vaone kuti votevera hwese huri kutatu here kana kuti vabuda mune dzimwe nhaurirano.

Svondo rapera mapato gumi nematatu anopikisa akanosangana kuCape Town kuSouth Africa mukuedza kwawo kuumba mushandirapamwe wekukwikwidza nawo Zanu PF musarudzo dza2018.

Asi mamwe mapato anosanganisira reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai neZimbabwe People First inotungamirirwa naAmai Joice Mujuru vanonzi havana kupinda munhaurirano idzi.

Pagarawo paine mibatanidzwa yemapato anopikisa inoti weNERA, uyo une mapato anoda kusvika makumi maviri, neweNational Transitional Authority.

XS
SM
MD
LG