Accessibility links

Breaking News

VaKunonga Voremekedza Mutongo weMatare


Vakuru vakuru mu Anglican Church muHarare vanoti vatanga kupinda muzvivakwa zvechechi yavo zvichitevera kubuda muzvivakwa izvi kuri kuitwa nevatenderi vari kutsigira VaNolbert Kunonga.

Vachitaura navatori venhau pamuzinda wavari kushandisa mazuva ano, mukuru weAnglican muHarare, Bishop Chad Gandiya, vati kubuda kuri kuita vanhu ava kunoratidza kuti zvinhu zvava kudzokera pazvakange zviri.

Bishop Gandiya vatiwo vachaita gungano rekupemberera kudzokera kwavo kunoshandisa zvivakwa zvavo pamwe nekuchenura dzimba dzekunamatira idzo dzange dzave kushandiswa nechikwata chaVaKunonga.

VaGandiya vati vakuru muchechi yavo vatotanga kuongorora kuti midziyo yavo ichiripo yese here uye kana paine inenge yakabiwa kana kutengeswa, vachamhan’ara nyaya iyi kumapurisa.

Vatiwo vanoziva kuti vanhu vange vari kushandisa zvivakwa zvavo vakasiya zvikwereti, nokudari vanofanira kubhadhara zvikwereti izvi.

VaGandiya vatiwo vanhu vange vachirendeswa zvivakwa zveAnglican naVaKunonga, vachadzingwa muzvivakwa izvi sezvo vange vari kuita izvi zviri kunze kwemutemo.

Bishop Gandiya vashorawo kushungurudzwa nekubatwa chibharo kwevana pamuzinda weAnglican unochengeta nherera, weShearly Cripps uri mudunhu reGoromonzi, vachiti vakatokwidza nyaya iyi kumapurisa.

Vanotungamira Anglican mumusha weGlen View muHarare, VaShepard Itaimunzira, vatiwo zvinhu hazvina kumira zvakanaka pachechi yavo uye pane tsvina isingaiite.

Bishop Gandiya vati VaKunonga nevamwe vavo vakasununguka kudzoka kuAnglican Church. Asi VaKunonga vakaudza nhepfenyuro yeZBC kuti havasi kuzodzokera kuAnglican Church uye vachaenderera mberi nesvondo yavo ye Independent Anglican Church of the Province of Harare.

VaKunonga vakanzi nedare repamusoro soro neMuvhuro vabude muzvivakwa zvese zve Anglican izvo vakanga vapamba kubva muna 2007.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG