Accessibility links

Breaking News

Machechi Okurudzira Vanhu Kuvhotera Vatungamiri Vanotya Mwari


Reverand Ancellimo Magaya at the Media Center in Harare.
Reverand Ancellimo Magaya at the Media Center in Harare.

Sangano rinobatanidza vatungamiriri vedzisvondo dzakasiyana-siyana, reZimbabwe Divine Destiny, raparura chirongwa chekukurudzira vatendi kuti vavhotere vatungamiriri vakarurama, vasina huori huye vasingadi mhirizhonga musarudzo dzichaitwa gore rinouya, 2018.

Chirongwa chaparurwa ichi chinonzi Christian Vote 2018 Elections.

Mutungamiri weDivine Destiny Network, Bishop Ancellimo Magaya, vati vechitendero chechikristu munyika vakawanda zvikuru zvekuti vane masimba ekuunza hutungamiri hwunosimudzira hupenyu hweruzhinji.

Bishop Magaya vati Zimbabwe iri mumatope mairi nekuda kwehutungamiri hune huori, husingatyi Mwari, uye hunoshandisa manzwi ekupesanisa vanhu.

Vatiwo sevatungamiri vemakereke akasiya-siyana echikristu vachakokorodzana vokurudzira vana veZimbabwe kuti vasati vavhota vacherechedze vatungamiriri vanenge vachikwikwidza musarudzo idzi.

Mumwe wevafundisi vanga vari pakuparurwa kwechirongwa ichi, VaGuthrie Gwanzura, vati sevafundisi havana bato ravanotsigira vakati chinangwa chavo ndechekutarisa hunhu hwevachakwikwidza.

Mufundisi Gwanzura vatiwo chechi inoshungurudzika zvikuru nekusarira shure munyaya dzebudiriro kweZimbabwe pamwe nemhirizhonga munyika izvo zvinova zvapa kuti vaparure chirongwa che Christian Vote 2018 Elections.

VeDivine Destiny Network vanoti chechi haigoni kupatsanurwa kubva kune zvematongerwo enyika izvo zvinogaro kurudzirwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Vatiwo ibasa remachechi kushoropodza hutungamiri hwakaipa pamwe nekudzidzisa veruzhinji kuti vasarudze hutungamiriri hunotya Mwari.

Hurumende yaVaMugabe inogaroshoropodza vatungamiriri vechechi vasingarumbidzi bato riri kutonga.

Vamwe vevafundisi vakaita saVaEvan Mawarire ve#ThisFlag pamwe naVaPhillip Mugadza vakambovharirwa mujeri mushure mekutaura huipi hwehurumende iri kutonga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG