Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yovimbisa Kuvandudza Zvinhu Kuitira Kuti Ikwezve IMF ne World Bank


VaPatrick Chinamasa
VaPatrick Chinamasa

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vanoti Zimbabwe inofanira kusandura maitiro ayo munyaya dzehupfumi uyewo inofanira kubhadhara zvikwereti zvayo ku International Monetary Fund neWorld Bank.

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vanoti Zimbabwe inofanira kusandura maitiro ayo munyaya dzehupfumi uyewo inofanira kubhadhara zvikwereti zvayo ku International Monetary Fund, IMF neWorld Bank.

Vatiwo Zimbabwe inoda rubatsiro rwemari kubva kumasangano ayo kuti ikwanise kusimudzira hupfumi hwayo.

Vachitaura pamusangano wekuongorora remangwana renyika munyaya dzehupfumi wange wakarongwa nesangano reIMF pamwe nebazi ravo muHarare, VaChinamasa vati tarisiro yavo ndeyekuti hupfumi hwenyika hukure nezvikamu zviri pakti pezvetanhatu negumi kubva muzana mukati memakore gumi inotevera.

Asi kuti izvi zviitike, VaChinamasa vati Zimbabwe inofanira kusandura mitemo yayo munyaya dzemabhizimisi nehupfumi.

Vati izvi zvakaoma uye zvinoda kushinga sezvo paine kukavadzana pakati pemakurukota ehurumende, vemabhizimisi pamwe nevanhuwo zvavo.

Asi vati kuti nyika ifambire mberi vanhu vese vanofanira kukurudzira shanduko iyi munyaya dzehupfumi.

VaChinamasa vati kunyange hazvo Zimbabwe yakabudirira pane zvese zvaidiwa neIMF pasi pechikamu cheStaff Monitored Program, inofanira kubhadhara zvikwereti zvayo kuitira kuti ikwanise kuwana rumwe rutsigiro rwemari.

Asi vatiwo nyika haifaniri kungotarisira rubatsiro kubva kunze asi kuti inofanirawo kuvanduza mashandiro emabhizimisi pamwe nemimtemo inokanganisa mashandiro emabhizimisi munyika.

Vanoti nyika yakatanga kuita izvi vakati semuenzaniso hurumende iri kugadzirisa mitemo kuti varimi vakwanise kutora zvikwereti kumabhanga pamwe nekugadzirisa nyaya dzekucherwa kwengoda nechinangwa chekuona kuti mari yese inobva muzvicherwa yabatsira nyika.

Mumashoko avo ekucherechedza makore makumi mapfumbamwe nemaviri ekuzvarwa, mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, vakati nyika yakarasikirwa nemabhiriyoni gumi nemashanu emadhora zvicheitevera kubiwa kwemangoda akacherwa kwaMarange kuManicaland.

Mukuru webhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, VaJohn Mangudya, vati nyika iri parwendo rwekubudirira uyewo inofanira kutengesa zvinhu zvakawanda pamwe nekusandura mashandiro anoita mabanga ayo pamwe nekuvandudza mabasa ekurima.

Vari kutungamira chikwat cheIMF chiri kushanya munyika, VaDomenico Fanissa, vatiwo Zimbabwe ine mukana mukuru wekusimudzira hupfumi hwayo uye inofanira kutanga kusandura mitemo yayo pari zvino kuti ikwanise kuwana rutsigiro kubva kumasangano akaita seIMF, World Bank neAfrican Development Bank nedzimwe nyika.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi vachishanda nesangano reZimbabwe National Chamber of Commerce, VaTakunda Mugaga, vati mashoko abuda mumusangano waitwa akanaka chose asi chitsvambe chiri kuhurumende kuti idzike mitemo yakajeka pamwe nekurwisa huwori kuti hupfumi husimukire.

Vatiwo kushanda kuri kuita IMF nehurumende pari zvino kwakanaka chose uye kuchabatsira nyika zvikuru.

Asi muzvinabhizimisi, VaKumbirai Katsande, vatiwo kunyange hazvo mashoko aVa Chinamasa naVaMangudya akanaka chose, makurukota ehurumende anofanira kutaura nezwi rimwe uye kana paine kupokana vanofanira kutaurira muchihwande kwete kupoptedzana pachena.

Sachigaro wesangano reCrisis Coalition in Zimbabwe avo vapindwao mumusangano wanhasi, Amai Sally Dura, vatiwo gurukota rezvemari rabuda pachena kuti zvinoda mubatira pamwe kusimudzira hupfumi hwenyika uye vati itariro yavo kuti vese vane chekuita nenyaya iyi vachashanda pamwe chete.

Zvichakadai, zvichitevera kubudirira pachirongwa cheStaff Monitored Program, bhodhi reIMF richagara musi wa 2 Kubvumbi kuti rizeye nyaya yekuti robatsira Zimbabwe here kana kuti kwete.

VaChinamasa vanoti kana IMF ikaramba kubatsira Zimbabwe hupfumi hwenyika hunogona kuenda kumawere kudarika zvahuri pari zvino.

Asi VaKatsande vati tariro yavo ndeyekuti zvinhu zvichafamba zvakanaka.

Zimbabwe ine chikwereti chemadhora bhiriyoni nemamiriyoni mazana masere uye kuIMF, WB neADB nechikwereti chemabhiriyoni masere kunyika dzakasiyana siyana uye kana igadzirisa nyaya dzayo neIMF inogona kutanga kukweteswa mari zvekari kunyange isati yabhadhara zvikwereti zvedzimwe nyika.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


XS
SM
MD
LG