Accessibility links

Breaking News

Musangano weChina-Africa Summit Wotanga neChishanu muSouth Africa


VaRobert Mugabe naVaXi Jinping
VaRobert Mugabe naVaXi Jinping

Musangano weChina-Africa Forum uri kutarisirwa kutanga neChishanu muJohannesburg South Africa pasi pedingindira rakanangana nekusimbaradza kudyidzana pakati peChina neAfrica.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakaenda kuSouth Africa neChitatu vachiperekedzwa negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, gurukota rezvemaindasitiri, VaMike Bimha, uye gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSimbarashe Mumbengegwi.

Mutungamiri weChina, VaXi Jinping, vaita musangano neChina nasachigaro weAfrican Union Commision, Amai Nkosazana Dlamini Zuma, vakavimbisa kuti China ichabatsira sangano iri munyaya dzezvehupfumi nematongerwo enyika.

Muzvare Gladys Hlatywayo vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vachishanda nesangano reZimbabwe Civic Education Trust. Muzvare Hlatywayo vanoti Zimbabwe inogona kuwana chouviri ndokunge yakwanisa kubuda nemazano anoita kuti isabatirirwe neChina.

Nyaya Ina Muzvare Gladys Hlatywayo
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG