Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa ZveZimbabwe Zviri MuNew York Zvoronga Machikichori


Zvizvarwa ZveZimbabwe Zvoita Gochi Cochi KuNew York
Zvizvarwa ZveZimbabwe Zvoita Gochi Cochi KuNew York

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muNew York zviri kutarisirwa kusangana muguta iri apo pachaitwa mabiko nemitambo yakasiyana siyana zvekucherechedza tsika nemagariro nyika yechizvarwa.

Gungano iri richaitwa neMugovera unotevera musi wa 6 Nyamavhuvhu. Mumwe wavari kuronga gungano iri mufundisi Chaka Ngwenya vanoti zvakakosha kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvisangane zvichimbozeya mamiriro akaita zvinhu munyika.

Zuva iri riri kuzivikanwa nekuti “Family Day” sezvo richange richibatanidza mhuri dzeZimbabwe dziri muguta iri nedzimwe dzinobva kune mamwe matunhu muAmerica. VaNgwenya vanoti chakakosha pachiitiko ichi ndecheku yananisa zvizvarwa zveZimbabwe.

NewYork Family Day
NewYork Family Day

"Shuwiro yedu ndeyekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviwane mukana wekuyanana pasina nhau yekuti uri kubva mumba maani, unopinda chechi ipi kana kuti unotsigira bata ripi," VaNgwenya vaudza Studio 7.

VaNgwenya vanoti vane chivimbo chekuti kana chirongwa ichi chikabudirira muguta ravo chinokwanisa kuzoitwawo kune dzimwe nzvimbo.

"Tirikutarisira kuti vechidiki kunyanya vana vakazvarwa muno vadzidzewo nezvekumusha kwedu nyanya dzetsika nemagariro edu."

Hurukuro NaVa Chaka Ngwenya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG