Accessibility links

Murufu VaChidyausiku Vokonzera Kusawirirana

  • Blessing Zulu

VaGodfrey Chidyausiku

Munyika hamuna kuwirirana panyaya yemabasa akabatwa nevaive mutongi mukuru wematare kana kuti Chief Justice, VaGodfrey Chidyausiku, avo vakashaya nemusi weChitatu kuchipatara chemuSouth Africa.

Mumashoko avo ekuonekana nevanoita zvemitemo apo vainge voenda pamudyandigere, VaChidyausiku vakati chakanyanya kuvafadza inyaya yekuti vakapa mitongo yakapa kuti zvive nyore kuti ivhu rienda kuvatema pakatanga hondo yeminda muna 2000.

Vakati havana chavanodemba pakuti mimwe mitongo yavakapa yakanzi kutyora bumbiro remutemo nedare reSADC Tribunal iro rakazoputswa mushure mekunge Zimbabwe yati hayaifara nemashandiro aro.

Pane zvinhu zvavanoti zvakavaodza moyo inyaya yekuti munyika makaita bopoto guru pakuti aivatsiva aizosarudzwa sei. Vamwe vaiti Judiciary Services Commission, JSC, haifanire kuva nechekuita nekudomwa kwevatongi sezvo zvichifanira kungoitwa nemutungamiri wenyika chete.

Asi VaChidyausiku vaida kuti bumbiro risavandudzwe richipa JSC mukana wekuti ibatsire mutungamiri wenyika kusarudzo vatongi.

Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vanoti afa anaka asi pane mimwe mitongo yakaitwa naVaChidyausiku yavasina kuwirirana nayo sezvo vainge voita sevanotema vaine divi ravakarerekera.

Gweta vari nhengo yePolitburo yeZanu-PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vanoti semaonero avo VaChidyausiku igamba chairo nemabasa avakabata.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG