Accessibility links

Breaking News

VaCharamba Vanoti America Iri Kuvhiringidza Chirongwa cheZimbabwe


VaGeorge Charamba
VaGeorge Charamba

VaCharamba vati kaviri kese mari yainge yabhadharwa kune imwe kambani yakavharirwa mune rimwe banga rekuGermany nekuda kwezvirango zvakatemerwa Zimbabwe neAmerica.

Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaGeorge Charamba, vaudza paramende kuti hurumende yeAmerica ndiyo iri kudzorera kumashure chirongwa chayo chekuvandudza nyaya dzekutepfenyura kana kuti Digital Migration nekurambidza mabhanga nemamwe makambani ari muchirongwa ichi kutambira mari inobva kuZimbabwe.

Vachipahumbowo kukomiti yeparamende inoona nezvekuburitswa kwemashoko maererano nekuti chirongwa ichi chave papi, VaCharamba vanoti hurumende iri kunetseka chose kubhadhara mari kumakambani ari kuita chirongwa ichi nekuda kwezvirango zvehupfumi zvakatamerwa Zimbabwe neAmerica.

VaCharamba vati kaviri kese mari yainge yabhadharwa kune imwe kambani yakavharirwa mune rimwe banga rekuGermany nekuda kwezvirango zvakatemerwa Zimbabwe neAmerica.

VaCharamba vati izvi zvave kukanganisa chirongwa ichi. Vati sezvo kambani iri kuita chirongwa ichi yeHuawei ichibva kuChina, hurumende iri kuronga kubhadhara kambani iye nemari yekuChina.

Asi vatiwo vakataurawo nekambani iyi kuti kana zvichiita ishandise mabhanga ekuSouth Africa kuti Zimbabwe ikwanise kubhadhara pasina kunetseka.

Chikamu chinoona nezvekuburitswa kwemashoko pamuzinda weAmerica muZimbabwe chati hachina zvachinoziva panyaya iyi uye chati VaCharamba ndivo vane ruzivivo nezviri kuitika.

VaCharamba vati chirongwa chedigital migration chichatora mamiriyoni anangosvike mazana maviri emadhora uye kusvika pari zvino chirongwa chava pazvikamu makumi matatu nechidumbu kubva muzana kuti chipere.

VaCharamba vabvumawo kuti mitemo yezvekutapwa kwenhau nekutepfenyura yave kunyadzisa sezvo isingaenderani nezviri kutika mazuvano uye vati inoda kuvandudzwa.

Asi vati hurumende iri kutora nguva kuita izvi sezvo ichida kuita musangano navose vane chekuita nezvenhau kuti vazeye zvakabuda mutsvakurudzo ye Information and Media Panel of Inquiry nedzimwe.

Vatiwo bazi ravo rinotsigira mutongo wakapiwa nedare reconstitutional court masvondo maviri apfuura wekuti vatapi venhau havafanirii kusungirwa basa ravo.

Vatiwo hurumende iri kuronga kuita musangano nevaridzi vemapepanhau nedzinhepfenyuro nechinangwa chekuona kuti vatapi venhau vaita basa nemazvo vachitevedza mitemo yebasa.

Vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa kusangano reMedia Instutute of Southern Africa Zimbabwe, VaTabani Moyo, avo vapinda mumusangano wanhasi vati zvaitwa neparamende zvakanaka chose sezvo zvapa nyika mukana wekuziva zviri kuitwa nehurumende.

Vati nyika yanga isina ruzivo rwekuti zvinhu zviri kufamba sei panyaya yekuvandudza nyaya dzekutepfenyura.

Vatiwo zvinofadza kuti bazi rezvekuburitswa kemashoko rinotambira mutongo wekuti vatori venhau vasasungirwe basa ravo.

Zimbabwe ine mitemo yakati kuti inombunyikidza vatapi venhau yakaita seAccess to Information and Protection of Privacy Act nePublic Order and Security Act.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG