Accessibility links

Breaking News

Caps United Yosangana neZamalek, Ahly Tripoli, neUSM Alger muCaf Champions League


Caps United
Caps United

Chikwata cheCaps United chaiswa mugungano risina kunyatsooma mumini league stage yeCaf Champions League zvichitevera mubatanidzwa wezvikwata waitwa nhasi masikati neveConfederation of African Football.

MaGreen Machine aiswa mugungano rimwechete neZamalek yekuEgypt, Al Ahly Tripoli yekuLibya, pamwe neUSM Alger yekuAlgeria mumakundano ayo asara zvikwata gumi nezvitanhatu zviri kurwira mukombe mukuru uyu.

Zvikwata zviviri kubva mugungano iri ndizvo zvichabudirira kuenderera mberi nemakundano aya, ayo achapera musi wa 5 Mbudzi apo pachatambwa mutambo wechipiri wefainari.

Chikwata chavangatye mugungano iri iZamalek yekuEgypt iyo yakatora mukombe uyu kanosvika kashanu.

Vanoongorora zvemutambo wenhabvu vanoti Caps United haina chekutya muzvikwata zvavapihwa sezvo kusvika pavari pari zvino kwaratidza kuti vanokwanisa kukwikwidza zvine mutsindo.

Mushure mekubuditsa shumba yeTP Mazembe, vatsigiri veMakepekepe vane chivimbo chekuti maGreen Machine achadambura zvikwata zvavapihwa izvi.

Muongorori wemutambo wenhabvu, VaFarai Kambamura, vanoti gungano iri harina kunyanyooma vachiti ivo maGreen Machine anongoda kukunda mumitambo yavo yese yepamusha kuti vaendere mberi nemakwikwi.

Mumwe muteveri mukuru veCaps United, VaPhillip Muswe, vanoti vaitovhunduka dai vanga vachitamba neBarcelona kana Real Madrid kwete vana Zamalek, Ah Ahly Tripoli nana USM Alger.

Mumwe mutsigiri wemaGreen Machine, VaTendai Mushangwe, vanoti zvikwata zvavapihwa zviri kutotya Makepekepe mushure mezvavakaita TP Mazembe.

Mitambo yemagungano eCaf Champions League iri kutanga musi wa 12 Chivabvu apo Caps United inofanira kutanga nekukunda apo vari kusangana neAl Ahyl Tripoli kuLibya.

Mumwe muongorori wemutambo wenhabvu, VaEmmanuel Musonza, vanoti maGreen Machine anofanira kukunda kuita mangange mumutambo wavo wekutanga kuti zvinhu zvivafambire zvakanaka.

Vanoisa mari muchikwata cheMakepekepe, VaFarai Jere, vanoti chinangwa chavo ndechekukunda mugungano iri nekusvika muma kota fainari emakundano aya.

MaGreen Machine akasvika munharaunda yemagungano mushure mekubuditsa TP Mazembe yekuDemocratic Republic of Congo iyo yakatora mukombe wemuAfrica uyu kashanu uyezve pari zvino ine mukombe weCaf Confederation Cup.

Makepekekepe ari kutarisira kuita kana kudarika zvakaitwa neDynamos iyo yakasvika mufainari yeCaf Champions League muna 1998.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG