Accessibility links

Breaking News

Caps United Yosangana neTP Mazembe neSvondo


Chikwata cheCaps United chayambirwa kuti vasatange kupemberera vasati vabudirira kupinda mu mini League stage yeCaf Champions League sezvo kufarisa uku kuine ngozi.

Svondo rese rapera vateveri vemaGreen Machine vachipemberera mushure mekunge chikwata chavo chakaita mangange 1-1 neTP Mazembe kuKinshasa vachiti ivo vatodongorera mumini league stage yemakundano emuAfrica aya.

Asi mumwe mutsigiri mukuru weCaps United, VaJohn Muteura, avo vanozivikanwa nezita rekuti Masvingo vayambira vamwe vavo kuti kuita mangange mumusha weTP Mazembe hazvireve kukunda sezvo TP Mazembe inokwanisa kurova maGreen Machine muNational Sports Stadium.

Izvi zvabuda zvekare kubva kune aimbove mubati wepagedhe weCaps United mazuva ayo vaidaidzwa kunzi maCup Kings, VaSteven Chisango, avo vanoti maMakepekepe anofanira kupemberera chete kana vachinge vakunda mutambo wechipiri uyo uri muNational Sports Stadium neSvondo.

VaMuteura vati murairidzi wechikwata ichi, Lloyd Chitembwe, haafanire kutaurira vatambi vake kuti vadzivirire chibodzwa chavakanwisa kuDRC asi kutambira kuti vanwise zvimwe zvibodzwa zvakawanda.

Asi vakawanda kusanganisa, VaSingirai Miti, vari kutarisira kufarisisa neSvondo vachiti ivo vari kuda kudarika kufara kwavakaita apo vakanzwa kuti maGreen Machine ainge aita mangange kuDRC.

Muzvare Leslie Marufu vanoti Caps United haina kubvira yakundwa gore rapera rese muNational Sports Stadium zvekuti havasi kutarisira kuti TP Mazembe ingauraye nhoroondo yakasimba yakadai.

VaTakawira Mthombeni vanoti kunyange TP Mazembe haikwanise kumisa Makepekepe kupinda mumini league stage umo munopihwa zvikwata mari yakawanda neveConfederation of African Football.

VeTP Mazembe vazivisa ivo kuti kune mabhazi anosvika iyo makumi mashanu ari kuuya akatakura vatsigiri vavo kuzopa rutsigiro kuchikwata chavo.

Caps United yakwidza mari yekubhadhara kuona mutambo uyu kubva pamadhora matatu kusvika pamadhora mashanu panzvimbo dzinogara veruzhinji.

Vari kuda kuona mutambo uyu vari paVIP vari kutarisirwa kubuditsa madhora makumi maviri kubva pamadhora gumi.

Avo vanofarira zvepamusoro soro vari kubhadhara madhora makumi mashanu kubva pamadhora makumi maviri kuona nhabvu iyi vari paVVIP.

Asi Caps United isati yapinda munhandare neSvondo, chikwata cheNgezi Platinum Stars chinenge chiri munhandare imwecheteyo neRD Libolo yekuAngola mumutambo weCaf Confederation Cup.

Ngezi Platinum Stars yakarohwa 2-1 neLibolo svondo rapera, izvo zvisina kufadza vakawanda.

Asi vanoona zvemutambo wenhabvu vanoti, Ngezi Platinum Stars ine mutoro wakareruka pane uyo une Caps United.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG