Accessibility links

Breaking News

ZEC Yokurudzirwa Kufambisa Basa reKunyoresa Vavhoti


zec
zec

Sangano reZimbabwe Election Support Network (ZESN) rinoti komisheni yezvesarudzo, yeZimbabwe Electoral Commission, ZEC, rinofanira kudoma kambani ichanyoresa vanhu kuvhota nemhando yeBiometric Voter Registration(BVR).

Asi nyanzvi dzinoti ZEC inogona kushandisa nzira yaishandiswa kare nekuda kwechinono chairi kuita.

Sangano iri rinoti ZEC inofanira kudoma nechimbi chimbi kambani ichapihwa basa yekunyoresa vavhoti pachishandiswa BVR kuti itange basa sezvo sarudzo dza2018 dzave pedyo.

Vachitaura pamusoro peBVR pachirongwa cheQuill Speak muHarare, mukuru weZESN, Amai Rindai Chipfunge –Vava, vakati ZEC inofanirawo kujekesa mitemo yekuti chirongwa ichi chichashandiswa sei, sezvo pasina ruzivo kumapato ezvematongerwo enyika pamwe neveruzhinji pamusoro pechirongwa ichi.

Vati ongororo yavakaita yemichina yeBVR, yakaitwa nemakambani ari kuda kupihwa neZEC, yakaratidza kuti michina iyi inononaka.

Vakatiwo zvakakosha kuti Zec ishandiswe vadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro kuti vashande sevanhu vachange vachinyoresa vanhu pachirongwa cheBVR sezvakaitwa kuKenya.

Amai Chipfunde- Vava vanoti zviri pachena kuti hurongwa hweBVR huri kufarirwa neveruzhinji uye huchapedza mamwe matambudziko ange achiwanikwa pagwaro revavhoti rekare.

Mukuru weElections Resources Centre, VaTawanda Chimhini, vaudza Studio7 kuti zviri pachena kuti chirongwa cheBVR chinenge chiri nani kudarika nzira dzaishandiswa kare.

ZEC yatove kumashure pahurongwa hwayo hwekunyoresa vavhoti hwayakatura kuparamende.

Pahurongwa uhwu ZEC yaifanira kunge yakatanga kunyoresa vavhoti muna Kubvumbikusvika munaMbudzi.

Asi kusvika nhasi haisati yatombodoma kana kambani yaichashanda nayo pabasa iri.

Nyanzvi munyaya dzemutemo uye vachidzisa paKent University kuBritain,VaAlex Magaisa, vaudza Studio7 kuti zvese zviri kuitika izvi zvinofanira kusuwisa veruzhinji.

Vati mutemo hauna kunyatsojeka, uye pane mukana mukuru wekuti vanhu vanogona kunyoreswa pachishandiswa nzira dzakare.


VaMagaisa vanotiwo zviri pachena kuti ZEC haikwanisi kuzvimirira uye inotoita zvinodiwa nehurumende.

Amai Chipfunde-Vava vanoti zvakakosha kuti chirongwa chekunyoresa vavhoti chitange pachine nguva nekuti hapana ruzivo pamusoro pechirongwa ichi.

VaChimhini vati sezvo BVR ichishandisa mitezo yemuviri yakaita sezvigunwe maziso nezvimwe pane vanhu vari kuudzwa manyepo nekutyityidzirwa uye izvi zvinogona kukanganisa zvichabuda musarudzo.

Hatina kukwanisa kunzwa divi reZEC panyaya iyi. Asi zvichitevera kuongorora kwavakaita michina yeBVR kubva kukambani yekuGermany neChina, veZEC vakatoendesa magwaro ekuti vanoda kushanda nekamabani ipi kune veState Procurement Board avo vane mvumo yekutora danho rekupedzesera panyaya iyi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG