Accessibility links

Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri muBotswana Zvisina Mapepa Zvotyira Hupenyu Hwazvo

  • Marvellous Mhlalnga-Nyahuye

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvisina magwaro akakwana ekugara munyika yeBotswana zvinoti zviri kutyira hupenyu hwazvo sezvo mapurisa emuBotswana ari kupomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu ava.

Zvinonzi pane mumwe mudzimai Amai Sipho Ndlovu vakapfurwa nemapurisa emuBotswana mazuva mashoma apfuura vachifamba nemurume wavo anonzi haana mapepa ekugara munyika iyi.

Mwedzi wapera mumwe murume VaWayne Marova vakapfurwa paziso nemapurisa emunyika iyi vachinziwo vainge vasina mapepa.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri munyika iyi VaJohn Thembisa vanoti havana magwaro ekugara munyika iyi asi vanoshanda papurazi apo vano chengeta zvipfuyo sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka kumusha.

Vanoti zuva nezuva vanotyira hupenyu hwavo nekudzoserwa kumusha zvichitevera kupfurwa kuri kuitwa vanenge vayedza kutiza mapurisa.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvakapotera munyika iyi nenyaya yekusamira zvakanka kwehupfumi hwenyika nezvematongerwo enyika zvisina kumira zvakanaka muZimbabwe.

"Dai masangano anomiririra zvizvarwa zveZimbabwe zvakaita seayo ari muSouth Africa auyawo kuno kuzotimirira mudambudziko riri kusangana nesu kuno." Vanoenderera mberi vcachiti, "Parizvino mari yandinohora handisi kupihwa yakakwana sezvo vachiziva kuti handina mapepa uye ndinotogara kunzvimbo iri kuma chonyonyo uko ndinenge ndichingotiza mapurisa kuti ndisadzoserwe kumusha," VaThembisa vaudza Studio 7.

XS
SM
MD
LG