Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoendeswa kuMatare Mushure Mekutyora Zvibvumirano neDzimwe Nyika


Mumwe murimi uye ari muzvinabhizimisi wekuGermany, VaHeinrich Von Pezold, vaive muridzi weBorder Timbers nemimwe minda yekofi kuManicaland nevamwe vavo, vakaendesa hurumende kudare reInternational Centre for Settlement of Investment Disputes kuParis, vachida kuripwa kutorerwa kwavakaitwa minda yavo. Dare iri riri pasi peWorld Bank.

Minda yakatorwa iyi inodzivirirwa nechibvumirano chakanyoreranwa pakati peZimbabwe neGermany, uye nedzimwe nyika, cheBilateral Investment Promotion and Protection Agreement, BIPPA,

VaVon Pozold vanoti vari kuda mari inosvika mamiriyoni mazana matanhatu emadhora. Iyi iyave nyaya yechipiri Zimbabwe ichiendeswa kudare iri.

Muna 2009 hurumende yakaendeswa kudare iri nevarimi makumi mana vekuNetherlands vakanzi nedare vapihwe mari inosvika mamiriyoni makumi maviri nemashanu emadhora iyo iri kuramba ichibereka kana isina kubhadharwa.

Muchuchisi mukuru wehurumende, VaJohannes Tomana, avo vachamirira hurumende munyaya iyi, vanoti nyika dzakaita seGermany ndodzakatanga kutyora chibvumirana nekutemera nyika zvirango.

Nyaya yekusaremekedza mitemo, pamwe nekutyora kodzero dzevanhu, ndiyo yakapa kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nevamwe vavo muZanu PF, vatemerwe zvirango zvehupfumi pamwe nezvekufamba nenyika dzekumadokero.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaProsper Chitambara, avo vanoshanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, vanoti Zimbabwe ikatyora zvibvumirano inozotadza kukwezva vekunze vanotanga mabhizimisi.

Kunetsana murumende yemubatanidzwa padanho rekutora pamapurazi akatorwa ari pasi pezvibvumirano zvekudyidzana pakati peZimbabwe nedzimwe nyika kuri kuenderera mberi kunyange hazvo gurukota rezveminda, VaHerbert Murerwa, vakati hurumende yamira kutora mapurazi akadai.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG