Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Vokurudzira VaMugabe Kuvaka Hukama Hwakanaka neAmerica


Vanoongorora zvematongerwo enyika nevanhuwo zvavo vanoti mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, vanofanira kuregedza nyaya yavo yekushoropodza nyika dzakaita seAmerica nekuda kwezvirango zvehupfumi zvavakatemerwa nenyika idzi vachiti VaMugabe vanofanira kuita zvinodiwa kugadzirisa hukama hwavo nenyika idzi.

Vanoongorora zvematongerwo enyika nevanhuwo zvavo vanoti mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, vanofanira kuregedza nyaya yavo yekushoropodza nyika dzakaita seAmerica nekuda kwezvirango zvehupfumi zvavakatemerwa nenyika idzi vachiti VaMugabe vanofanira kuita zvinodiwa kugadzirisa hukama hwavo nenyika idzi.

Izvi zvinotevera mashoko aVa Mugabe nezuro pamusangano wavakaita nechikwata cheCongress chekuAmerica chiri kushanya munyika.

Chikwata ichi, icho chiri kutungamirirwa naSeneta Jeff Flake vekuArizona, chakasangana naVaMugabe chikatanga kuudzwa nezvezvirango kunyange hazvo chiri kuda kuziva maererano nemachengeterwo ari kuitwa mhuka dzemusangno nezviwanikwa uye kuti nyika mbiri idzi dzingadyidzane sei munyaya idzi.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaFortune Gwaze, vanoti VaMugabe vanofanira kugadzirisa hukama hwavo neAmerica kuti nyika iwane rubatsiro munyaya dzekuchengetedza mhuka. Vanoti kana izvi zvikaitika zvinosimudzira hupfumi hwenyika.

VaGwaze vanoti kupopota kwaVaMugabe hakuvashamise nekuti ndozvanogara vachiita kubva pavatemerwa zvirango izvi makore anodarika gumi nemashanu apfuura.

VaCassim John, avo vanonyorawo nhau dzekuchengetedzwa kwemhuka nezviwanikwa, vanotiwo zvakakosha kuti Zimbabwe igadzirise hukama nenyika dzepasi rese kuti ikwanise kuwana rubatsiro rwekuchengetedza mhuka.

Vanoti zviri kuitika kuzvimbo dzakaita seHwange National Park zvinoratidza kuti nyika inoda mari yakawanda yekurwisana nevanovhima mhuka zviri kunze kwemutemo.

Chikwata chekuAmerica chakasangana naVaMugabe apo sangano reEuropean Union raizivisa kuti rainge rawedzera negore zvirango zvarakatemerwa VaMugabe nemudzimai wavo.

VaMlondolozi Ndhlovu vanoti kunyange hazvo izvi zviri izvo zvimwe zvinotsamwisa VaMugabe, vanofanira kuremekedza kodzero dzevanhu nekugarisana nevanhu vemunyika kuti zvirango izvi zvibviswe.

VaGwaze vanotiwo kuwedzerwa negore kwezvirango zvaVaMugabe hakuna kuvashamisa sezvo pasina zvanyanosanduka pamaitiro avo.

Kunze kwekusangana naVaMugabe, chikwata cheCongress yekuAmerica chaitawo musangano negurukota rezvekuchengetwa kwemhuka dzesangano pamwe nemasangano ezvekuchengetedzwa kwezviwanikwa.

Chikwata ichi chakashanyirawo Mozambique, Botswana neNamibia nechinangwa chekuda kuona kuti America ingabatsire sei pakuchengetedzwa kwemhuka.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG