Accessibility links

Mushandi Anonwira Kambani yeAllied Timbers Muchetura

  • Loirdham Moyo

Vashandi veAllied Timbers

Mumwe mushandi wekambani yemapuranga yeAllied Timbers maMutare amwa mushonga achida kuzviuraya senzira yekuratidza kurwadziswa kwaari kuitwa nekambani yeAllied Timbers iyo isiri kupa vashandi vayo mihoro yavo.

Mushandi anwa mushonga uyu ndiVaPfungwa Zhakata, mumwe wevashandi veAllied Timbers vaisa musasa pamuzinda wekambani iyi kwemasvondo maviri vachida mari dzavo dzemihoro yemwedzi gumi neminomwe.

VaZhakata vari muchipatara cheMutare Provincial Hospital umo vanonzi vave kunzwa zviri nane.

Vashandi vanosvika makumi manomwe vakamiswa mabasa vakavimbiswa kuzobhadharwa mari yavo mukupera kwaKurume asi hapana chavati vawana.

Mumwe wevashandi, VaWelly Brand, vati mumwe wavo VaZhakata vakapindwa nepfungwa yekunwa chepfu nekuda kwekutsamwa sezvo vamwe vapedza zvipfuyo zvavo vachitengesa kuitira kuti vaendese vana kuchikoro pamwe nekutenga chikafu.

Vatiwo nyaya yekudaidzirwa mapurisa kuti avadzinge pamuzinda uyu iri kuvarwadza zvikuru.

Mumwezve mushandi, VaShupikai Goto, vati havazi kuzobva pamuzinda uyu vasina mari kunyange hazvo mapurisa apuhwa court order nedare ramejasitiriti yekuti vabude kunze kwekambani iyi.

VaKuda Moto vati vange vava nemwedzi yakati kuti vachishanda pasina mugove wavo.

VaMoto vati vazhinji vavo vari kurara pachena munguva yechando ino nevacheche vasina chekufuga uye kana nechekudya.

Gweta riri kumirira Allied Timbers, VaPassmore Nyakureba, varamba kutaura neStudio 7 vachiti titaure naMuzvare Veronica Gutu, avo vanoona nezvekubudiswa kwemashoko mukambani iyi.

Asi Studio7 yakundikana kubata Muzvare Gutu kuti vatipe divi ravo pamusoro penyaya iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG