Accessibility links

Breaking News

Air Zimbabwe Yorambidzwa Kuenda kuEurope


Ndege yeAir Zimbabwe
Ndege yeAir Zimbabwe

Ndege dzenyika, dzeAir Zimbabwe, hadzichabvumidzwe kupinda munyika dzemuEurope.

Izvi zvaburitswa nebazi rinoona nezvekufambiswa kwezvinhu muEuropean Union.

Bazi iri raburitsa mashoko ekuti ndege dzeAir Zimbabwe hadzichabvumidzwe kumhara munyika dzose dziri mugungano reEuropean Union dzichityirwa kuti dzinogona kuita njodzi nenyaya yekusagadzirwa nenguva.

Mumashoko avo kuvatori venhau nemusi weChipiri, komishina anoona nezvekutakurwakwezvinhu muEU, Amai Violeta Bulc, vakati mamwe makambani endege anzi haasi kubvumidzwa kupinda muEU anosanganisira Med-View yeku Nigeria, Mustique Airways yeku St. Vincent ne Grenadines, uye yekuUkraine inonzi Aviation Company Urga.

Gurukota rinoona nezvekutakurwa kwezvinhu, VaJoram Gumbo, vaudza Studio 7 kuti ichokwadi kuti chikwata chemuEU change chiri munyika uye chakati pane zvinhu zvinoda kuti zvigadziriswe neAir Zimbabwe isati yatanga kubhururuka.

VaGumbo vati dambudziko rakanyanya kukonzerwa nenyaya yemamaneja ainge aripo kare ayo aisaita basa nemazvo.

Air Zimbabwe yanziwo haina kana macomputers ekuchengetera zvinhu zvinokurudzirwa nevendege.

Ndege dzeMozambique neBenin dzabviswawo panyika dzange dzichirambidzwa kuenda kuEU.

Pane makambani zana nemakumi masere neimwe emunyika gumi nenhanhatu anorambidzwa kupinda muEU.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG